Handirohwe muno: Manyuchi

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Handirohwe muno: Manyuchi Charles Manyuchi

Kwayedza

Abel Ndooka

CHARLES Manyuchi anoti kunyangwe zviite sei haafe akakundwa mutambo waanorwira muno pamberi pevatsigiri vake.

Shasha yetsiva iyi yange iri kutarisirwa kusangana naMudamad Sebyala wekuUganda munaChivabvu achirwira kuchengetedza bhande rake reWorld Boxing Federation.

Mushure mezvo, ange achifanirwa kuzorwa zvakare naSebyala vachirwira bhande reWorld Africa Boxing Association Supreme Middleweight.

Vaviri ava vaitarisirwa kusangana nemusi wa4 Kubvumbi kuHarare International Conference Centre (HICC).

Mutambo uyu hauchaenderera mberi nekuda kwedanho rakatorwa neHurumende rekumbomisa mitambo yose uye kuungana kwevanhu senzira yekurwisa kupararira kwechirwere checoronavirus.

Manyuchi anoti akagadzirira zvikuru mutambo uyu.

“Pandinorwira muno ndinenge ndiri pamusha saka handisiye munhu achiuya kuzondidherera uye handimbofe ndakakundwa ndiri mumba mangu.

“Muno ndimo muZimbabwe mumba mangu uye zvakafanana nekuti haungaregere munhu achiuya mumba mako okudherera oita zvaanoda newe.

Ini izvozvo handimbozvitendere kana kamwechete, ndinorwira kuchengetedza zita rangu uye kusimudza mureza wenyika wangu,” anodaro.

Kubva Manyuchi zvaakakundwa naQudratillo Abdukakhorov wekuUzbekistan mugore ra2017 apo akatorerwa bhande rake reWBC Silver Welterweight, akwanisa kutamba mitambo mishanu ndokuhwina mina achikundwa mumwechete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>