Uncategorized

Handisi dzuramoyo: N’anga

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Handisi dzuramoyo: N’anga Sekuru Chirume

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemumusha weEast View uri kuCaledonia, muHarare, vanoti havachada kuramba vachigara neimwe n’anga yeko zvichitevera kupomerwa kwairi kuitwa kuti ine chekuita nekushaikwa kwemwana wemakore 7 okuberekwa uyo akazowanikwa mutumbi wake uri mumugodhi mushure memazuva matanhatu.

Zvisinei, n’anga iyi inoti haina chekuita nemwana akawanikwa akafa mumugodhi uyu.

Sekuru Chirume Chirume (40) – avo kumusha vanobva kwaMuzungunye, kuBikita mudunhu reMasvingo – svondo rapera pamberi vakaunganirwa nemhomho yevanhu kumba kwavo kuCaledonia vachipomerwa kuti vainge vakavharira mumba mavo Alvin Sanudi (7) uyo ane mutumbi wakazowanikwa uri mumugodhi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

“Kwakaita kusagadzikana kwezvinhu apo kwakashaikwa mwana kuEast View, kuCaledonia, kuchinzi mwana uyu ainge akavharirwa mumba men’anga. Vanhu vakatsvaga mwana uyu vakamushaya zvisinei kuti pane imwe imba isina kuzovhurwa.

“Mutumbi wemwana uyu wakazowanikwa uri mumugodhi, kutaura kudai mutumbi wemwana uyu wakatovigwa. Asi nyaya iyi ichiri kuferefetwa,” vanodaro.

Alvin anonzi akashaikwa pamba pevabereki vake kuEast View Phase 1 apo akatevera zvigure zvaienda kuMabvuku.

Mutumbi wemwana uyu wakazowanikwa uri mumugodhi mushure memazuva matanhatu.

Vabereki vaAlvin neruzhinji rwemunzvimbo iyi pavaitsvaga mwana uyu, vanonzi vakadarika nepane mamwe maporofita ayo akavaudza kuti mwana wavo ainge akavharirwa mumba maSekuru Chirume.

Kuburikidza nemashoko aya, vanhu vanonzi vakazoenda kumba kwen’anga iyi vaine mapurisa vakanotarisa mudzimba dzepamba pen’anga iyi.

Asi pane imba imwe chete yavanonzi havana kutarisa iyo inonzi havana kuona makii ayo sezvo n’anga iyi yakange isipo uye inonzi yaigara nemakii aya. Pakutariswa kwakaitwa mudzimba idzi, mwana uyu haana kuwanikwa izvo zvakaita kuti veruzhinji vaite fungidziro yekuti mwana wavaitsvaga aiva muimba isina kuwanirwa makii.

Fadzai Chirapa, uyo anova amai vaAlvin, haana kukwanisa kutaura zvakawanda neKwayedza sezvo aichema uye akangoti mwana wake ainge apondwa.

Mashoko ake anotsinhirwa naMai Barbra Kungwengwe (53) vanove amai vake.

“Mwana uyu akapedza kugezwa naamai vake, ndipo pakazodarika zvigure apo akazvitevera. Ndiko kushaikwa kwake kusvikira vanhu vakazoenda kwaSekuru Chirume uko vakanomushaya ndokuzowanikwa mutumbi wake uri mumugodhi,” vanodaro.

Tilda Mandizha (35) – anova muvakidzani kumhuri iyi – anoti chinoshamisa ndechekuti mumugodhi makazowanikwa mutumbi wemwana uyu, vainge vakambomutarisa vakabvongodza mvura yemo nechimuti asi havana chavakaonamo.

“Tinoti mwana uyu akazoita zvekukandwa akafa kare nekuti mumugodhi umu takambomutarisa. N’anga Chirume yakataurwa nayo nemaporofita,” anodaro.

Gloria Mushayandebvu (35) uyo anove muvakidzani waChirapa anotaurawo zvimwe chetezvo.

Sachigaro wenzvimbo iyi, VaMunyaradzi Mukondiwa (36), vanoti ivo nevagari venzvimbo iyi havachada kuramba vachigara naSekuru Chirume.

“Mwana uyu ashaikwa, vabereki vemwana nevamwe vakataurirwa nemaporofita kuti mwana aiva mumba maSekuru Chirume. Ini ndanzwa nyaya iyi, ndakazoridzira nhare Sergeant Matope vekuGazzebo kuti ndiwo mamiriro akaita zvinhu, avo vakazotumira mapurisa,” vanodaro.

Asi, Sekuru Chirume vanoramba zvose zvavari kupomerwa vachiti havana ruzivo nezvekufa kwemwana uyu uye havasi dzuramoyo.

“Ini handisi dzuramoyo, handina zvandinoziva nekuda kwemwana akazowanikwa mutumbi wake uri mumugodhi. Mhuri iyi yakataurirwa nemaporofita enhema ayo anoda kutsvaga mbiri neni. Ndivo vakavati mwana uyu aiva akavharirwa mumba mangu.

“Pakaitika nyaya iyi ini ndaiva ndisipo ndaenda kuMasvingo kuchikoro kwemwana. Ndakatozonzwa ndave kufonerwa kuti kumba kwangu kwakombwa nevanhu vanoti vaida kutora mwana. Ndakazofonera mapurisa avo vakazouya vachiwana pamba pangu pakazara vanhu, vakatsvaga mwana uyu vakamushaya,” vanodaro.

Vanoti shungu dzavo vanoda kuona maporofita akasvibisa zita ravo ava kuti vabude pachena kuti vaishandisa mweya wechokwadi here kana kuti wekurwisanisa.

“Ndakatakura makii angu emubhedhuru apo ndakaenda kuMasvingo umo munonzi nevanhu ndimo maiva makavharirwa mwana uyu. Vanhu vakaungana pano ndisipo vakakanganisa vana vangu vakapedza mazuva vasingaende kuchikoro vachitya.

“Mutumbi wemwana uyu wakazowanikwa mumugodhi kudivi rekumba kwevabereki vake. Handinei nekufa kwemwana uyu, ini ndiri svikiro risingafambidzane nekudeura ropa sezvinofungwa nevanhu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakaenda kumapurisa eZRP ekuMabvuku nekuda kwenyaya iyi kusvikira mwana uyu awanikwa apo ndakaenda nemapurisa nemota yangu vakanowana mutumbi wemwana uri mumugodhi.”

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, vanoti nyaya iyi yakasvika kumahofisi avo uye iri mumaoko emapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>