Handisi murondatsimba: Hawk Man

03 Mar, 2020 - 13:03 0 Views
Handisi murondatsimba: Hawk Man Briton “Hawk Man”

Kwayedza

Abel Ndooka

Muimbi weZim dancehall Briton Mavhura uyo vazhinji vanoziva nezita remadunhurirwa rekuti Hawk Man anoti chiso chake chakafanana zvikuru nechaWinky D asi hazvireve kuti ave murondatsimba sezvo anotoshuvira kusvika padanho rave neshasha yemhanzi iyi.

Hawk Man akafanana zvikuru naWinky D uye vanhu vachimuona vamwe vanotofungidzira kuti ndiye muimbi ane mukurumbira uyu.

Hawk Man anoti haakwanise kushandura chiso chake kuti chisafanane nechaWinky D.

“Ndiwo masikiro angu andakaitwa, Winky chibaba chedu paZim dancehall nekuti kwaasvika kure panyaya dzekuimba uye nyika dzaaenda dzakawandisa zvikuru. Ini handingade kunzi ndiri murondatsimba wake, kwete. Asi chandinotoshuvira kudzidza kubva kwaari kuti zvimwe ndigosvikawo paasvika ndibudirire mumhanzi.

“Sevaimbi, hapana ane simba rekuzviti ndiye akatanga nemusambo upi neupi sezvo wakabva kare. Isu vamwe takauya uripo uye tiri vapfuuri, tichangousiya musambo uyu. Saka ngatibatane sevaimbi tichishanda pamwechete,” anodaro Hawk Man.

Hawk Man ane nziyo dzine mukurumbira dzinosanganisira ‘Mai Guru’, ‘Hello’, ‘Pinda naNdazviramba’.

Share This:

Sponsored Links