Handisi ndururani: Edmond

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
Handisi ndururani: Edmond Boaz “Edmond” Muchirahondo

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wemadhirama Boaz Muchirahondo — uyo vazhinji vanoziva saEdmond pamutambo Pedyo Kure — anoti zvinoda hushingi mubasa iri sezvo risingabhadhare uye muupenyu hwake haana misikanzwa sezvaanobuda achiita.

Muhurukuro neKwayedza, Edmond anoti zvemadhirama hazvibhadhare, saka anotoita zvekubatanidza-batanidza kumwe kwaanoshanda achigadzira makombiyuta kuti akwanise kurarama.

“Madhirama muno munyika hapana chatinowana, tinongozviitira nekuti tinozvida uye zviri matiri. Hapana chatinowana kubva mazviri. Ini ndinotosevenza rimwe basa rekugadzira makombiyuta kuti upenyu hwangu huendeke. Pasina izvozvo hapana chimwe chatinowana kuburikidza nemadhirama,” anodaro.

Pamutambo Pedyo Kure, Edmond munhu anozivikanwa achinetsa zvikuru, achingoita misikanzwa.

Asi muchinda uyu anoti misikanzwa yaanozivikanwa nayo pamadhirama handizvo zvaari muupenyu hwake.

“Vanhu vanotofunga kuti ndiri ndururani asi nditori munhu akanyarara hangu, ndinotya Mwari.

“Mukabvunza vanhu vanondiziva vanogona kundirevera kuti ndiri munhu akaita sei,” anodaro.

Edmond akatanga kuita zvemadhirama mugore ra2017 uye anoti ane chimwe chirongwa chaari kubika chinobuda padandemutande reYouTube chinosanganisira ny’ambo.

Akatanga zvemadhirama apo iye neshamwari dzake vaingozvitora mavhidhiyo vachingonakidzwa, ndokutozoona kuti chipo chirimo maari izvo zvakamutuma kuenda kunotsvaga basa. Ndipo paakazopinda mudhirama rePedyo Kure.

“Zvemadhirama ndakangozvitanga ndichiita sekutamba neshamwari dzangu, tichizvitora mavhidhiyo tichinakidzwa zvedu. Ndakatozoona kuti ndine chipo.

“Ndakazoenda kunozama raki rangu paitsvagwa vanhu vanobuda padhirama iri, ndikatokwana, ndipo pazvakatangira.”

Edmond anoti ramangwana rake anoda kuve nekambani yake inobika madhirama.

“Shuviro yangu kuti ndive nekambani huru inobika madhirama. Tinoziva kuti muno zvemadhirama zviri pasi asi ndinoda kushanda kuti tizvishandure, zvinakire tose tiri mazviri,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>