Handizvo zvandiri: Tin Tin

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Handizvo zvandiri: Tin Tin Tinopona “Tin-Tin” Katsande

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wemadhirama nemafirimu ane mukurumbira — Tinopona “Tin Tin” Katsande – anoti kushanda nesimba uye kuzvininipisa kunodiwa kana munhu achida kubudirira mune zvemafirimu. Tin-Tin anoti kuti iye asvike padanho raave, inyaya yekuzvipira nekushanda nesimba.

“Basa redu iri rinoda kuti munhu azvipire uye kushanda nesimba chete, zvimwe zvose zvinozotevera.
“Wega unofanirwa kuzvizivira zvaunoda kuita muupenyu hwako, woshanda nesimba kuti zviitike. Usabvume kuitiswa izvo unoona kuti hazvienderane newe,” anodaro.

Tin-Tin anoti mukukura kwake, aingoshuvira kuve neupenyu hwekufadza vanhu izvo zvakazozadzikiswa mugore ra2001 paakapinda mudhirama reStudio 263.

Padhirama iri, aizivikanwa saJoyce Huni uyo aive mwana aitsenga mvura ichibuda masvisvinwa.
Asi, anoti zvinobuda pamadhirama aanoekita handizvo zvaari muupenyu hwake.
“Zvandinobuda ndichiratidza pamadhirama mazhinji handizvo zvandiri mukurarama kwangu, zvimwe tinenge tichingodzidzisa vanhu pamusoro pezvinenge zvichiitika muupenyu hwevanhu vazhinji.

“Zvimwe hazvo zvinogona kufanana zvoenderana neni asi zvakatosiyana zvikuru. Upenyu hwangu ndehwangu uye hwemudhirama ndewemudhirama.

“Asi dhirama riye Studio 263 ndiro rakandivhurira mikana kuti ndizove pandava nhasi uno.”
Tin-Tin anoti apo gore rino ari kusvitsa makore 40 ekuberekwa, anopa kutenda kukuru kunaMwari.

“Ini ndiri munhu anotya Mwari zvikuru uye ndinomurumbidza kuburikidza nezvose zvaanondiitira muupenyu hwangu. Gore rino ndiri kusvitsa makore 40 ekuberekwa uye ndine zvakawanda zvekutenda Mwari zvaakandiitira,” anodaro.

Pari zvino Tin Tin abuda mumafirimu nemadhirama anosanganisira Studio 263, Water Bottle, KuChina the Genesis, Why I Got Married neForest.

Paanenge asiri kuita zvemadhirama kana kutepfenura pawairesi, Tin Tin anoti anenge achiita zvinosanganisira kukwenenzvera runako rwepameso pevanhukadzi (cosmetology) izvo akadzidzira kukoreji yeRiverside Community College School of Cosmetology iri kuCalifornia, kuUnited States kana kuita zvirongwa zvekurwira kodzero dzevanhukadzi.

Tin Tin akaberekwa mumhuri ine vana vanomwe – vasikana vashanu nevakomana vaviri – iye ari gotwe.
Baba vake, Mambo Samson Nyamukoho Katsande vekwaMutoko, ndimuzvinabhizimisi ane mukurumbira.
Tin Tin akadzidza pazvikoro zvinoti Chisipite Jnr School, Hillcrest College, kwaMutare nepaSt Johns Emerald Hill High.
Akazoenda kuUniversity of Carlifornia neRiverside Community College School of Cosmetology.

Share This:

Sponsored Links