Hanzvadzi dzopumhana huroyi

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Hanzvadzi dzopumhana huroyi

Kwayedza

Tatenda Shuro
HANZVADZIKOMANA nehanzvadzisikana vakamisidzana mudare redzimhosva vachipumhana huroyi hune chekuita nekushandisirana mushonga wemubobobo.

Concillia Gatsi ndiye akamhan’arira Bonfess Gatsi kudare reHarare Civil Court.

“Iyi ihanzvadzi yangu, asi anondituka achiti ndiri muroyi, ndinoroya vana vake kuti vasaroorwe uye achinditi ndinorara naye nemishonga. Anotiwo handisi mwana wepamba pavo pandakakura ndiri, achiti baba vangu vari kuNorton,” anodaro.

Concillia anoti hanzvadzi yake inomutuka nezvinyadzi pamberi pevana vake.

“Bonfess anondituka nezvinyadzi pamberi pevana vangu. Zvose izvi zvekuti ndiri muroyi akaudzwa nen’anga yake saka pokutanga vakanzi vauye nemuroyi wacho asi ndaisaziva kuti ndini ndairehwa.

“Patakaenda, n’anga iya yakasvikoti uyu mwana mudiki haatozive kana mushonga wekubvisa nhumbu ini ndokubuda hangu panze,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ivo vanaBonfess vakasara mukati muya uye zvavakaudzwa handina kuzvinzwa. Asi tasvika kumba akati n’anga iyi yakange yavaudza kuti yakanyara kutaura ndirimo kuti ndini muroyi wacho.”

Anoti akaenda kumapurisa akanomhan’ara nyaya yekupumhwa huroyi apo akazonzi aenda kudare.

“Chikumbiro changu ndechekuti tiri vatatu mumba medu, pamba pane dzimba nhanhatu saka ndaikumbirawo vasingaroye vabike vega ini ndoita zvinhu zvangu ndega sezvo taigarisana tose hedu,” anodaro.

Bonfess haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Concillia gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>