Hapana chakaipa chatinofungira: ZRP

10 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Hapana chakaipa chatinofungira: ZRP Insp Chakanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanotsinhira nyaya yemurume wekuZengeza 5, kuChitungwiza uyo akafa panguva yaaisasana neshamwarikadzi yake.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa3 Mbudzi panhamba 19 Chimurenga kuZengeza 5 apo Denis Chikabura (48) akashanyira shamwarikadzi yake, Petronella Musanda (27).

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Julius Chakanza, vanoti Chikabura akafa apo aisasana naMusanda.

“Denis Chikabura akabva kumba kwake ndokuenda kumba kweshamwarikadzi yake iyi ndokunotanga zvavo kusasana. Murume uyu anonzi kuma9:30 manheru, akazotanga kutadza kufema zvakanaka panguva yekufara iyi ava kubuda furo neropa mukanwa nemumhuno. Shamwarikadzi iyi yakazoshevedza Tirivangani Chikabura (34) munin’ina wemufi uyo akazomutakura kumuendesa kuchipatara cheCitimed uko akasvika achinzi akanga afa kare,” vanodaro Insp Chakanza.

“Tirivangani Chikabura akazosvitsa nyaya iyi kumapurisa eZRP Zengeza 5, mutumbi waDenis Chikabura ndokuendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital.”

Mumba maiva nevaviri ava munonzi makawanikwa gumbeze nepiro mbiri zvaiva nemarutsi ane ropa.

Insp Chakanza vanoti hapana chakaipa chinofungidzirwa kuti chakaitika kumushakabvu uyu sezvo akawanikwa asina kana pane ronda pamuviri wake.

“Nyaya iyi ichiri kufambira mberi nekuferefetwa,” vanodaro Insp Chakanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>