Kwayedza
Lovemore Kadzura
HARAHWA ine makore 86 ekuberekwa yekwaMakoni, kwaRusape, yekubatikidzwa ichibata chibharo mumwe mudzimai weko ane makore 22 anova murwere wepfungwa, yakatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu nedare redzimhosva.
Katesi Mamvura wemubhuku rekwaNzvimbe akamiswa mudare reRusape Magistrate Court pamberi pemutongi VaFrancis Mapfumo.
Mamvura akaramba mhosva iyi achiti akabatikidzwa asati abata mudzimai uyu chibharo.
Zvisinei, akabatwa nemhosva mushure mekunge nyaya yake yanzwikwa mudare, ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu.
Makore matatu akaiswa padivi nechitsiidzo chekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.
Muchuchusi VaMarlon Makamba vanoti Mamvura akatora mukana wekuti amai vemumhan’ari vakanga ...