Harahwa (86) yabhinya murwere wepfungwa

28 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
Harahwa (86) yabhinya murwere wepfungwa Dare

Kwayedza

PREMIUM

Lovemore Kadzura

HARAHWA ine makore 86 ekuberekwa yekwaMakoni, kwaRusape, yekubatikidzwa ichibata chibharo mumwe mudzimai weko ane makore 22 anova murwere wepfungwa, yakatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu nedare redzimhosva.

Katesi Mamvura wemubhuku rekwaNzvimbe akamiswa mudare reRusape Magistrate Court pamberi pemutongi VaFrancis Mapfumo.

Mamvura akaramba mhosva iyi achiti akabatikidzwa asati abata mudzimai uyu chibharo.

Zvisinei, akabatwa nemhosva mushure mekunge nyaya yake yanzwikwa mudare, ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu.

Makore matatu akaiswa padivi nechitsiidzo chekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Muchuchusi VaMarlon Makamba vanoti Mamvura akatora mukana wekuti amai vemumhan’ari vakanga ...

Please subscribe to view this content.

Share This:

Sponsored Links