Uncategorized

Harahwa yaponderwa kuramba kuporofitwa

12 Jan, 2022 - 14:01 0 Views
Harahwa yaponderwa kuramba kuporofitwa Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MURUME wekuZaka anga ava nemakore 75 ekuberekwa anonzi akapondwa kuburikidza nekurohwa zvakaipisisa nemuzukuru wake nemusi weSvondo wadarika munguva dzemangwanani mushure mekunetsana nenyaya yekupumhana huroyi.

Hakufiwi Musiiwa anonzi akarohwa akafa nemuzukuru wake, Norman Mutakayi (36), uyo aida kumumanikidza kuti vaende kumaporofita.

Mapurisa anoti Musiiwa akaramba kuenda kumaporofita kwaainzi aende nemuzukuru wake achibva arohwa pambavhu nemakumbo nedanda zvikaita kuti akuvare zvakanyanya.

Musiiwa anonzi akazoshaya mushure mekumanikidzwa kufamba chinhambwe chemakiromita anosvika gumi.
Mutakayi akatiza uye ari kutsvagwa nemapurisa nemaziso matsvuku.

Mapurisa ari kukurudzira vanoziva kune murume uyu kuti vaudze mapurisa ari pedyo navo.

Nyaya dzekupondana dziri kuramba dzichiwanda muZimbabwe uye mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti varemekedze upenyu hwevamwe.

Munguva pfupi yadarika, murume wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, Terence Dondo, akapondwa uye mapurisa ari kuita ongororo.

Dondo, uyo aive nemakore 28 okuberekwa, aishanda pane rimwe bhawa.

Mutumbi wake wakaonekwa uri mumugwagwa unoenda kuHuruyadzo kwakare kuSt Mary’s.

Munyaya inodyidzana neiyi, mapurisa ari kuferefeta zvakare rufu rwaMberikwazvo Bopoto (43) wekuRockview East, kuChitungwiza uyo akashaikwa nemusi weKirisimasi akazoonekwa akafa pedyo nerwizi rwaHunyani, kuManyame Park.
Mutumbi wake wakanga uine ropa pamhuno nemumuromo uye maronda pagotsi.

Mapurisa ekuNorton ari kuferefetawo nyaya yemutumbi wakaonekwa uri munjanji pedyo nenzvimbo yeFamily 24 uine maronda akadzika muviri wose.

Share This:

Sponsored Links