Harare Derby yabva kure: Msiska

27 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
Harare Derby yabva kure: Msiska Brenna Msiska

Kwayedza

Abel Ndooka

NZIRA dzose svondo rino dziri kunanga kuNational Sports Stadium muguta reHarare nemusi weSvondo uko CAPS United “Makepekepe” ichasangana neDynamos “DeMbare” mumutambo weCastle Premier Soccer League (PSL) uyo unotarisirwa kunge uchinakidza kukunda ngoma kurira.

Mutambo uyu mukuru uye unoteverwa zvikuru nevatsigiri vazhinji venhabvu.

Kwayedza yakaita hurukuro neshasha mbiri dzakambotamba nhabvu kuzvikwata izvi, Brenna Msiska akatambira CAPS United naJustice Majabvi akatambira Dynamos, avo vanotaura pamusoro pekukosha kwemutambo uyu.

Msiska kana kuti Baba Gari, sezita rake remadunhurirwa, anoti kare mutambo wezvikwata zviviri izvi wainakidza kukunda ngoma kurira izvo zvaiona nhandare dzichizara na9am mangwanani sezvo paive pasina mutsigiri aisara kuzoona mutambo uyu.

Anoti svondo rino anotarisirawo kuona nhandare ichizara sakare sezvo zvikwata zviviri izvi zviri kutamba zvinonwisa mvura mwaka uno.

“Mutambo weHarare Derby pakati peCAPS United neDynamos isu taiziva kuti wakakosha zvikuru uye hapana chikwata chaida kukundwa pakati pazvo zvekuti pese pataisangana paitambwa mitambo yainakidza zvikuru.

“Taiziva kuti na9am nhandare inenge yazara nekuti zvikwata zvese zvaive nevatsigiri vakawanda saka hapana mutsigiri aida kupotsa kuona mutambo uyu. Izvi zvaiita kuti mutambo unakidze zvikuru,” anodaro.

Baba Gari akatamba mitambo yakawanda yederby asi waanonyanyorangarira ndeuyo apo CAPS United yakakunda DeMbare 7-0 mugore ra1987 apo aive pagedhi.

Msiska anoti vatambi veDeMbare vaimushaisa hope vanosanganisira Vitalis Takawira, Moses Chunga naMemory Mucherahohwa.

“Svondo rino, chikwata chichahwina ndicho chinenge chatamba zvakanaka kudarika chimwe asi ndiri kuda hangu kuti chikwata changu CAPS United chihwine,” anodaro Msiska.

Majabvi kana kuti Chief Justice anoti mutambo weHarare Derby une nhoroondo huru.

“Nhorondo iri pakati peDynamos neCAPS United ihombe zvekuti vatsigiri vanotarisira kuona mutambo wezvikwata izvi pese pazvinosangana.

“Pazvikwata izvi hapana chinoda kukundwa nekuti chinenge chahwina kazhinji mwaka wacho unofamba zvakanaka. Saka svondo rino ndinotarisira kuti mutambo uyu unenge wakaoma zvikuru uye uchinakidza,” anodaro.

Majabvi akatamba muchikwata cheDynamos kubva 2006 kusvika 2008.

Justice Majabvi

Anoti mutambo weHarare Derby une “tunyaya-nyaya” tunobuda utwo tunopa vatsigiri zvekutaura mune remangwana uye nditwo tunoita kuti ugare uchinakidza.

“Chandinoda pamutambo uyu tunyaya-nyaya tunozotaurwa nevatsigiri mune remangwana vachitaura nezvemutambo unenge wapera, zvinorakidza kuti vatsigiri vanotevera mitambo yenyu uye vachiifarira.

“Ini rimwe gore mutambo wedu wakatadza kupera nekuti ndainge ndakonzeresa, nanhasi ndikasangana nevatsigiri vaivepo panguva yandakatamba vanotaura nezvemutambo uyu vachiseka. Saka sevatambi venhabvu tinofanira kupa vatsigiri chekuzotaura mune remangwana,” anodaro.

Pavatambi vese vaakasangana navo veCAPS United, Majabvi anoti hapana waaitya.

Svondo rino, anoti anoda kuona Dynamos ichihwina sezvo kuhwina kwayo kuchabatsira zvikuru chikwata ichi nevatambi vacho.

“Ndiri kuda kuona Dynamos ichihwina chete svondo rino nekuti ndinoziva kuhwina kwayo kuchaibatsira mune remangwana,” anodaro Majabvi.

Share This:

Sponsored Links