Uncategorized

Harare: Mwongo weCovid muZim

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Harare: Mwongo weCovid muZim Dr Mahomva

Kwayedza

Patrick Shamba

Mupepeti

DUNHU reHarare Metropolitan Province ndiro ratingati mwongo kana kuti “epicentre” pachirungu yechirwere cheCovid-19 muZimbabwe kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu vawanikwa vaine denda iri munyika muno kusvika pari zvino.

Kusvika nemusi weChipiri, mashoko anoburitswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamusoro pemamiriro echirwere ichi munyika anoratidza kuti Harare ndiyo ine vanhu vakawanda kudarika mamwe matunhu avo vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa ichiteverwa neMatabelelanda South, Bulawayo kwozouya Mashonaland East.

Asi pavanhu vashaika nekuda kwedenda ranetsa pasi rose iri, Bulawayo ndiyo ine vakawanda – vana (4) – ichiteverwa neHarare ine vanhu vatatu vafa kwozouya Mashonaland West neMidlands uko kune munhu mumwe chete padunhu ashaya neCovid-19.

Murwere wekugumisira kufa neCovid-19 mugari wekuBulawayo – murume wemakore 54 – uyo akashaya neMuvhuro uye ange asina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.

Pavanhu 787 vainge vabatwa vaine Covid-19 nyika yose kusvika nemusi weChipiri uyu, Harare yakatungamira nevarwere 250.

Asi vakawanda vevanhu vabatwa vaine Covid-19 muHarare ndevekuuya nayo, kwete vagara varimo.

NeChipiri ichi bedzi, vanhu 53 nyika yose vakabatwa vaine denda iri – vashanu vemuHarare, mumwe chete wekuMashonaland East, vatatu vekuMatabeleland North, 14 vekuMatabeleland South ne30 vekuBulawayo.

Pavarwere vemusi uyu ava, 19 vainge vabva kunze kwenyika – 16 kuSouth Africa nevatatu vaibva kuBotswana. Vamwe 34 ndevagara vari muno.

Vose vanhu ava vakatogariswa kwavo voga kuitira kuti vasatapurire vamwe.

Kusvika musi uyu, vanhu 81 335 vange vavhenekwa Covid-19 nyika yose.

Pavarwere vemuguta guru reHarare ivava, 76 vavo vanaya kuchiti vamwe 171 vachine chirwere, uye vatatu ndivo vakafa.

Dunhu reMatabeleland South rava nevanhu 130 vawanikwa vaine Covid-19, kusanganisira 14 vakabatwa musi weChipiri. Uku hakuna murwere ati ashaya nekuda kwedenda iri.

Pamwe chete, dunhu reBulawayo rine vanhu 103 vawanikwa vaine Covid-19 uye 25 vavo vatopona. Varwere vana (4) vakashaya.

Mashonaland East yava nevanhu 84 vane Covid-19. Pavanhu ivava, 29 vavo vatonaya uye hakuna ati atorwa upenyu hwake nechirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose ichi.

Pahuwandu hwevane Covid-19, Mashonaland East iri kuteverwa nedunhu reMidlands uko kune vanhu 65 vawanikwa vaine Covid-19 kusvika nemusi weChipiri. Varwere veko gumi vanaya asi mumwe chete akashaya.

KuMasvingo kwava nevanhu 53 vawanikwa vaine Covid-19, uye varwere 19 vapona uye hakuna ati ashaya.

Masvingo inoteverwa neMashonaland West uko kwava nevarwere 43 veCovid-19. Pavanhu ava, vaviri vavo vanaya asi mumwe chete ndiye akashaya.

KuManicaland kwava nevarwere 29, vatanhatu vavo vapona uye hakuna ati ashaika, kuchiti kuMatabeleland North kune varwere 22 zvekare hakuna ati arasikirwa neupenyu kuchiti kuMashonaland Central ndiko kune vanhu vashoma, gumi, vane denda iri. Varwere veko vana vakatonaya.

Zvinoreva kuti matunhu afa vanhu neCovid-19 ndeanoti Bulawayo (4), Harare (3) nemumwe chete kuMashonaland West newe kuMidlands.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, Chief Co-ordinator wezvirongwa zveCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, Dr Agnes Mahomva vanoti vakawanda vevanhu vari kubatwa vaine Covid-19 vanhu vemuno avo vari kudzoka vachibva kune dzimwe nyika.

“Hongu, huwandu hwevanhu vane Covid-19 huri kukwira munyika, asi tange tichizvitarisira uye tinoramba tichigadzirira. Vakawanda vevanhu ava ihama dzedu idzo dziri kudzoka muZimbabwe dzichibva kunze kwenyika.

“Ndokusaka tiine zvirongwa zvekuti vanhu vose vari kudzoka ava vavhenekwe pavanongopinda muno, vawanikwa vaine Covid-19 vobva vamboendeswa kwavo apo vamwe vanenge vachiongororwa. Asi iri ibasa guru rekuti hatingabva tati takagadzirira zvose, tinoramba tichishingaira mukuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasarivare panyaya dzekuzvidzivirira kuchirwere ichi uye kuti vanhu vachitorarama upenyu hutsva.

“Ngatichitoraramei upenyu hutsva hwekugeza maoko edu nesipo nguva nenguva, tosiyana nekuungana takaita chitsokotsoko, tichipfekawo iwo mamasiki aya uye vanhu ngavasamhoresana nemaoko. Kuti tinyengedzane tichiti tichararama sezvataisiita kare hazvichaitaba,” vanodaro.

Bazi reutano rinoramba richikurudzira veruzhinji kukoshesa mashoko aro pamusoro peCovid-19.

“Kusvika nhasi (musi weChipiri), vanhu 787 vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe, uye 201 vavo vakatonaya kuchiti vamwe 577 vachinayo. Vanhu vapfumbamwe vashaya kubva patanga kuonekwa chirwere ichi muno musi wa20 Kurume 2020,” rinodaro bazi iri.

Rinokurudzira veruzhinji vane mibvunzo pamusoro pedenda iri kuti vaitumire panhamba yeWhatsApp inoti +263 714 734 593 kana kuridza nhare yepachena inoti 2019.

Vachitaura nepepanhau redu reSunday Mail nemusi weMugovera, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro vanokurudzira veruzhinji kukoshesa hutsanana uye kuti vasaungane sezvo paine tarisiro yekuti vanhu vari kubatwa neCovid-19 vachawanda muZimbabwe – kusanganisira vanenge vasina kumbobvira vabuda munyika.

“Tiri kuti vanhu ngatigare kudzimba kana zvichikodzera uye tokoshesawo hutsanana, tisingaungane uye tichipfeka mamasiki nemazvo.

“Kune avo vari kubva kunze kwenyika, ngavakoshese mirawo iripo vorega kungosangana neruzhinji kana vasati vaongororwa. Tinotofanirwa kusimbaradza matanho edziviriro sezvatakamboita pakutanga kwelockdown,” vanodaro Dr Mangwiro.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuzivisa vezveutano kana mapurisa kana pakaita munhu wavanoziva kana kufungira kuti akabva kunze kwenyika asi ndokurega kutanga avhenekwa Covid-19 asati asangana nevamwe vanhu muno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey