Harare Poly yosimukira… 2 000 vopihwa zvitupa

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Harare Poly yosimukira… 2 000 vopihwa zvitupa Dr Eng Tafadzwa Mudondo

Kwayedza

Nyaya naMuchaneta Chimuka
KOREJI yeHarare Polytechnic iri kuramba ichifambira mberi mukusimudzira dzidzo uye yakatanga nechikamu chimwe chete chezvidzidzo, asi nhasi uno zvave gumi nezvishanu.

Muhurukuro neKwayedza, Principal wekoreji iyi, Dr Engineer Tafadzwa Mudondo, vanoti Harare Polytechnic – iyo yakavambwa muna1919 – ichapemberera kusvitsa makore zana muna2019.

“Chinangwa chekoreji ino ndechekupa vadzidzi ruzivo rwemabasa emawoko ari emhando yepamusoro. Humhizha hwemawoko hwatinoumba pano hunosanganisira Egineering, Artisans, Accounting nezvidzidzo zvenguva diki sekubika.

“Takatanga tiine chikamu chimwe chete chedzidzo asi iko zvino tava ne15 tichipa zvidzidzo zvinofambirana neruzivo rwechizvino-zvino rwemakombiyuta,” vanodaro.

Dr Eng Mudondo vanoti pakoreji pavo vakatotanga kuitisa zvidzidzo zvemadhigirii zvakadai seMass Communication and Media Technologies uye vari kutarisira kuramba vachivandudza zvinodiwa mudzidzo kusanganisira kuve nevarairidzi shangwiti pabasa.

Dr Eng Tafadzwa Mudondo vakabata mikombe nezvitupa zvavakawaniswa.

“Tiri kuvaka zvimbuzi nemuzinda wegym kuitira kuti vadzidzi, varairidzi nevamwe vanobva kunze vakwanise kuswatudza miviri yavo. Kuchikamu cheMechanical Engineering, takatenga michina mitsva inoshandisa makombiyuta.

“Pamutambo wekuwaniswa kwevadzidzi zvitupa zvekupedza dzidzo watakaita gore rapera, takavimbisa kuti tichatenga motokari nokudaro takabudirira kutenga mota sere.

“Tiri kushanya kunzvimbo dzakasiyana sekumakambani emuno nekunze kuitira kuti ruzivo rwedu rwunge rwuri padanho rakaenzana nedzimwe nyika,” vanodaro.

Vanoti vakaenda kunyika dzinosanganisira China, kuZhuwai Technical College, uko vakafunda zvakawanda maringe nenyaya dzekusimudzirwa kwedzidzo uye vakanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe.

“Tine chikwata chakaenda zvakare kuZambia. Tikakokwa kuKazakhstani kuti tiumbe hukama. Tarisiro yedu ndeyekuti tinge tichikwanisa kuve pamusoro pasi rose.

“Tine zvakare mikombe yatakawaniswa yekugona kushanda nemazvo kubva kusangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, Zimbabwe Institute of Management uye muna2016 takapihwa mubairo neAll-Africa wePublic Sector Innovative Service Delivery Institution apo takaita Second Runner-Up muchirongwa chekukohwehwa kwemvura chatiri kuita pano.

“Kubva 2012, takanga tiri kugadzira mvura dzemumabhodhoro uye tinoshandisa mvura yemuchibhorani kureva kuti tiri kubatsira mukudzinga zvirwere,” vanodaro.

Dr Eng Mudondo vanoti vadzidzi vanodarika 2 000 vachapihwa zvitupa zvekupedza fundo nemusi weChishanu chino.

“Pane vachange vachiwaniswa zvitupa izvi, chikamu che51 percent varume apo 49 percent vari vakadzi kureva kuti tiri kufambirana nechirongwa chekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

“Tine zvakare vadzidzi vanobva kune dzimwe nyika sevekuDemocratic Republic of Congo, Equatorial Guinea neMozambique vachange vachiwaniswa zvitupa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links