Harare Polytechnic yasvitsa makore 100

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Harare  Polytechnic  yasvitsa makore 100

Kwayedza

Harare Polytechnic ndeimwe yemakoreji ava nemakore mazhinji achifundisa zvidzidzo zvepamusoro zvakasiyana ari pasi pebazi redzidzo yepamusoo, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemichina. Kubvira pakavambwa koreji iyi muna 1919, yakaita zvinhu zvakawanda zvinosimudzira dzidzo neraramo.

Koreji iyi makare yaizivikanwa ichidzidzisa vachena vaive vashoma zvikuru asi nhasi uno yava kufundisa ruzhinji rwevanhu verudzi rwechitema maringe nemabasa mazhinji anoita kuti vange vachikwanisa kunoshanda mumaindasitiri akasiyana pamwe nekuzvivambira avowo mabhizimusi.

Harare Polytechnic yakakwanisa kuva nebudiriro maringe nekuwanisa vana vechikoro unyanzvi pamwe nekusimudzira vashandi maringe nenyaya dzedzidzo dzavo uye zvivakwa. Koreji iyi yakahwinha mibairo mizhinji  yekuva neunyanzvi hwepamusoro maringe nenyaya dzeruzivo zvinoita kuti iwanikwe ichifambirana nenguva pasi rose.

 

Nhorowondo yeHarare Poly

Nhorowondo yekoreji iyi inotariswa kubvira panguva yehunzvanyiriri hwevachena munguva yeBritish South Africa Company kubvira muna1890 na1923 avo vakange vaine masimba ekuona kufambiswa kwenyika yeRhodesia iyo yave Zimbabwe parizvino.

Harare Polytechnic College ine nhorowondo inobvira muna1919 apo mushakabvu George Chaloner akatanga zvidzidzo zveMechanical Engineering achiitisa vachena vechidiki vashoma vachibatsirwa naHubert Davis nevamwe.

George Chaloner aiva mukuru weSalisbury Polytechnic yava kunzi Harare Polytechnic uye akazvarwa muna1888 kuBlackrod, Manchester. Akauya nenhorowondo yezvidzidzo zvekuva engineer akaita zvidzidzo zvebasa achibatsirwa nababa vake paGreat Railway kuGorton, Manchester.

Mugore ra1910, akabva kuSouth Africa achibva abatana nedzimwe nhengo dzinoita engineering kuRanda Mine, Johannesburg. Muna 1913 akabatana naHubert Davies nevamwe (HUDACO) panguva yehondo yekutanga yepasi rose (First World War) uko akashanda nekambani yekutanga yeSouth African Wireless Company kuGerman East Africa.

Mugore ra1919, George Chaloner uyo aiva Mechanical Engineer ari zvakare managing director weHubert Davies Company, akavhura muzinda wekufundira mabasa kune vechidiki. Muna1925 akavhura Salisbury Technical School.

 

Harare Polytehnic mushure megore ra1923

 

Mugore ra1928 Salisbury Technical School yakavhurwa paPrince Edward School iine vadzidzi 7 apo VaR.P Deary vakanga vari mukuru wekoreji iyi.

 

Prince Edward School 1925

Mugore ra1935 zvichitevera kuwanda kwaiita vadzidzi koreji iyi yakaenda paGoldfields Building neCommerce Bulding munaAngwa Street uko yaifundisa zvidzidzo zvemaCommercial uye Technical. Vadzidzi vaifundiswawo nezvemabasa paOld Caledonian Hall, Moffat Street.

 

Harare Polytechnic (Fourth naFith Street)

Sir Ernest Lucas Guest, avo vaiva gurukota reInternal Affairs vakapa nzvimbo yaiva pakati paFourth naFifth Street kuti pavakwe Salisbury Polytechnic College. Guta reSalisbury rakatenga nzvimbo iyi yava kushanda sechiteshi chemabhazi kubva kuHurumende.

Vakazoripira koreji iyi nemunda uyo wakavakwa koreji yeHarare Polytechnic parizvino. Polytechnic yepanaFourth naFifth Street yakapedzwa kuvakwa pakati pa1939-1945 uye nekuda kwehondo, chivakwa ichi hachina kuzopera izvo zvakaita kuti chizonovakwa paOld Selbourne School yava kunzi Harare Polytechnic.

 

Old Selbourne School

Salisbury Polytechnic yakazobva kunaFourth naFith Street ichienda kunzvimbo yairi parizvino muna1963. Isati yavepo paiva neOld Selbourne School inova yakazobva yava kuenda kuRoutledge Primary yava kunzi Selbourne Routledge Primary School kusanganisira Beit Hall nechikamu cheMass Communication. Zvivakwa izvi ndezvekare chaizvo.

Beit Hall yakavhurwa zviri pamutemo naSir Roy Welensky muna1957 anova aive mudzidzi wepachikoro apa. Ndiye zvakare aiva Prime Minister weRhodesia neNyasaland.

Koreji itsva yePolytechnic yakapedza kuvakwa mumwedzi waNdira 1964 mushure mekuparara kweHurumende yeFederation yeNorthern Rhodesia neNyasaland uye Hurumende iyi ndiyo yakaita basa guru mukuvakwa kwekoreji iyi.

Koreji itsva yePolytechnic iyi yaiva nevadzidzi vanodarika 1 500 uye VaL.H. Davies vari mukuru wayo. Koreji iyi yakazarurwa zviri pamutemo naSir Humprey Gibbs avo vaive gavhuna mumwedzi waGumiguru 1965.

Share This:

Sponsored Links