Harare yavhurwa musika mutsva

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Harare yavhurwa musika mutsva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZIMBABWE Agriculture Show Society (ZAS) yakabatana nekambani yeeMkambo ndokuvhura musika mutsva unotengeserwa zvirimwa munhandare yeHarare Show Grounds senzira yekukamura varimi nevanotenga kubva kumusika mukuru weMbare.

Izvi zviri kuitirwa kuti varimi nevanotenga vasaite chitsotsoko sezvinokurudzirwa mukurwisa kupararira kweCovid-19. 

Musika weMbare wagara uchiwandirwa nevarimi nevanotenga izvo zvinoisa vanhu panjodzi yekugona kutapurirwa hutachiona hwecoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.

VaCollins Nherera (62), avo vanova sachigaro weeMkambo, vanoti vakabatana neZAS ndokuvhura musika mutsva uyu uyo une zvose zvinodiwa pautsanana uye kudzivirira Covid-19.

“Takavhura musika mutsva uyu nechinangwa chekuti tikamure varimi tichivabvisa kuMbare Musika vachiuya kune uno watinodaidza kuti Farmers and Traders Market. Musika uno wakatambanuka apo varimi vanoita mabasa avo vakataramukana uyewo tine mvura inokwanirana. Tinoshandisawo michina nenzira dzose mukutarisa Covid-19 kuvarimi nevatengi vanouya kuno,” vanodaro VaNherera. 

Vanoti donzvo remusika uyu kufambiswa kwebasa varimi vakasununguka pasina kutyira kuti vanhu vangazobatwa nechirwere cheCovid-19. 

“Tiri kutarisawo varimi vechidzimai nevechidiki pamusika mutsva uyu nechinangwa chekuvasimudzira munyaya dzekurima,” vanodaro VaNherera.  

Musika mutsva uyu unowanikwa  kwakadziva kumugwagwa waSamora Machel, muguta reHarare, uye vanoti une nzvimbo dzakatambanuka dzekumisa motokari.   

“Vaye vanohodha zvirimwa zvekunotengesa vari kubva mumisha inosanganisira Dzivaresekwa, Kuwadzana, Warren Park nekumwe kuchiti vanodawo kutenga vanobva mumisha iyoyi sezvo vasisaende kuMbare,” vanodaro VaNherera. 

Varimi vadiki nevakuru vose vanobvumirwa kutengesa zvirimwa zvavo mumusika mutsva uyu. 

“Tiri kushanda zvikuru negurokota rezvekurima, Dr Anxious Masuka mukuita kuti musika uno uvhurwe, tine divi rinotengesera varimi vadiki uko kune nhandare yakatandavara mahekita maviri uye marori anomira vachitengesa,” vanodaro VaNherera. 

“Tinewo kunomira motokari dzinodarika chiuru uyewo mukati memusika mune makamera erudzi rwemaCCTV anoona zvose zvinoitika kuitira kuchengetedza vanhu kubva kumbavha,” vanodaro.  

Musika uyu une matebhuru evarimi vadiki 380 ayo anobhadharwa US$3 pazuva uye zvirimwa zvinosiiwamo pakupera kwezuva uyewo varimi vanogona kutengeserwa vasipo vachizopihwa mari dzavo.

Mune zvimbuzi zvine mvura inomhanya, pekugezera miviri nekunogezerwa zvirimwa. 

Vanoti mvura inoshandiswa panzvimbo iyi ndeye muchibhorani iyo yavanoti haipere kana kuvharwa. 

“Hakuna munhu anopinda muno asina kupfeka masiki, tinozora vose mishonga yemasanitiser nekuvati vageze maoko nesipo nemvura inochururuka.” 

VaNherera vanoti semusika mutsva, vakabatana nemasangano akazvimirira ayo ari kubatsira varimi kurima mbesa dzichazounzwa kumusika uyu.  

“Musika wedu unotengeswa zvirimwa zvinyoro nezvakaomeswa semufushwa, huchi, nyimo, mbatatisi nezvimwe,” vanodaro.

VaMax Uzande Jnr (45) vanova mumwe wevakuru veZAS, vanorumbidza danho rekuvambwa kwemusika uyu vachiti, “Musika uyu wakakosha sezvo vanhu vava kungofamba netsoka kubva muguta vachiuya kuno pane kuenda kuMbare uyewo varimi vava nenzvimbo yakatambanuka.”

Zvichakadai, VaNherera vanoti vari kuronga kuvhura mimwe misika yemhando iyi kudzimwe nzvimbo dzemuHarare kuitira kuti varimi vaite basa ravo vasina kumanikidzana uye vatenge vasazeze kubirwa kana kutapurirwa zvirwere seCovid-19. 

Share This:

Sponsored Links