Harare yenge rwaivhi

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

BAZI rinoona nezvokukwezva vashanyi vanobva kunze kwenyika nevari munyika, reEnvironment and Tourism, rinogona kungoronga chirongwa chokutenderedza vanhu muguta reHarare chete – kusanganisira nzvimbo dzinogara vanhu – zvinhu zvikafamba.

Mukuoma kwezvinhu, uyewo pakati pezvirango zvoupfumi, vazhinji vanoziva Harare kubvira ichiri nezita ramaBritish rokuti Salisbury, havapokane kuti handiyo Harare yavaiziva.

Yasanduka, yakura nokuzara nezvinhu zvakasiyana-siyana. Harare iri kufamba nenguva ichipawo pfungwa yokuti kare haagari ari kare.

Rave guta riri kutora izvi nezvezvo kune dzimwe nyika richizvishandisa zvichiburitsa maitiro namafungiro matsva.

Shanduko yamonera Harare rinove guta renyika yandirangaridza detembo raJ. C. Kumbirai, “Ndimire zvangu pachikomoshava cheHarare”. Nyanduri anoti:

Ndimire zvangu pachikomoshava cheHarare

Ndakati zvangu kunun’unu ndichiyeva guta,

Ndakanan’anidza mheyamheya yandinoona,

Njere dzangu dzinoita mutserendende nazvo,

Dzomboita chamunyurududu namanenjiwa

Andiri kuona ndimire zvangu paHarare.

Vakuru vakati chinokura chinokotama

Musoro wegudo nhasi wonokoresa upfu.

Pasi rangove deveteve rinofura mombe.

Nezvaichiera nhasi uno hazvichaeri.

Raive Dzivarisekwa nhasi rave ziguta,

Miti yaive mitoro yave dzimba dzedoro.

Mune chinekaneka chinoitwa namasvosve
Paanenge achivaka churu chawo mugan’a.

Chinonekairirwa ichingove iyo mari . . .

Guta reHarare kutaurirwa hunyimwa,
Ungave muto usingapedzi nesadza rose.

Ziso rako roga ndiro ringanopedza nhomba.
Ndiwo manenji akafemberwa naChaminuka
Paakataura ari Chitungwiza achiti:

Muchaona zvenyu muDzivarisekwa
Pachaita manenji achashamisa nyika . . .

Hezvo nhasi ndazvionera pamhuno sefodya
Ndimire zvangu pachikomoshava cheHarare.

Munyori Charles Mungoshi anotiwo muHarare, havarari. Pairi kutambanuka ichisanduka ruvara serwavhi, nokutambanuka kunge iri kukakatwa, unoona kuti Harare chimiro cheZimbabwe.

Shanduko iri kuitika muguta ndiyo imwe cheteyo nezviri kuitika muvanhu veHarare nenyika yese. Harare yaramba kusarira shure. Inodawo kukwikwidza naivavo vanoti tiri pano.

Zvivakwa zviri kungomira zuva nezuva, zvimwe zvichipunzwa, pachimira zvimwe. Paimbove namakombo kana matoro nhasi pave kugarwa kana kushandirwa mabasa vanhu vachitsvaga raramo.

Migwagwa nemotokari dzacho zvave unzanzanza, woshaya kuti mukukura uku ikamhanya kudai, panozopera makore gumi, asi inenge yotatamurwa kuti itambanuke vanhu vakwane.

Arimo mavhu namarara muHarare. Zvirimowo zvinofadza nesvisinganakidzi, asi chikuru ndechokuti Harare yaramba kumira. Dai yangoitawo chitsveru kune mamwe maguta namadhorobha nama”growth point” kuti zvionekwe kuti Harare mukuru adawo kukura kwavadiki.

Share This:

Sponsored Links