Uncategorized

Hari dzemidzimu dzakatsakatika

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VECHIKURU kudunhu raMambo Chipuriro, kuGuruve, nguva yadarika vakasara vaine kukatyamadzwa kukuru zvichitevera kutsakatika kwakaita hari dzemidzimu idzo dzaigara murimwe gomo reko rinoyera.

Sabhuku Nhemachena, VaIson Nhemachena (72), vanoti vari kushungurudzika nekuda kwezvakaitika izvi.

“Nzvimbo ino inoyera zvikuru, tina tateguru wedu kana kuti svikiro guru, Sekuru Nyamuseve, avo vanotungamirira chivanhu chose muno muDande, kuGuruve. Chatishamisa ndechekuti tine hari dzatinoisa mugomo rinoyera umo tinoitira chivanhu, hari idzi dzakashaikwa.

“Tiri kushaya kuti dzakabiwa nani, takazongoona pasina. Asi vakaita izvi vachapedzerana nemidzimu yemuno, muchavaona nekupenga kana kuita mimwe minyama, “ vanodaro.

Kushaikwa kwehari idzi, uko kwavanoti chishamiso, kwakaonekwa musi wakashanyira Kwayedza munzvimbo iyi nguva pfupi yadarika apo vatori venhau vaida kuzvionera zvimwe zvezviyerwa zvedunhu iri.

“Imi veKwayedza matoita basa, ndimi maita kuti tisvike mukati muno izvo zvaita kuti tizoona mashura aya. Tiri kungogara kudzimba uko tisingazive kuti hari dzemasvikiro edu dzakabiwa mugomo muno. Ndokusaka tiri kuona zvimwe zvinhu zvisisafambe zvakanaka, pane zvakakanganiswa nhai?

“Dzimwe nguva hamheno vanoshereketa vakaba vachida kunoita mari nehari idzi vakanodzitengesa kudzin’anga vachida kutora masimba egomo rino,” vanodaro.

Sabhuku Nhemachena vanoti zvichida vamwe vanamati vechipositori ndivo vakatora hari idzi sezvo vachiti maporofita edzimwe chechi vanozivikanwa nekupinda mumapako vachinokwadabura makuva nenzvimbo dzinoyera vachida kuzvisimbisa mumabasa avo.

“Hari idzi tinokwira nadzo mugomo rino dziine doro tichigadzirisa chivanhu chedu chezvinenge zvichinetsa. Dzimwe nguva tinozodzoka muno tambopedza kana makore gumi tisina kukwiramo asi pamunosvikamo, munowana hari idzi dzakachena kuita sedzinogara dzichipukutwa sekunge dziri mumba.

“Zvino tauya nemi tichida kukuratidzai hari dzacho, towana makandiisa riini. Ndinopa yambiro kumakororo akaita izvi, kuti vakatarisana nemhondoro nemidzimu yemuDande, vachapedzerana,” vanodaro.

Vanopomerawo vechidiki vemunzvimbo iyi vachiti vanozviita vanhu vanoziva zvakanyanya, nekudaro dzimwe nguva ndivo vakatora vachida kuona kuti pane zvinoitika here.

“Chisi hachiyeri musi wacharimwa, chokwadi hari dzakaunganirwa nevakuru vose vemuno vanasorojena, munhu woita dzekutamba nadzo? Regai tinozivisa masabhuku emuno ose tonanga kwamambo nekumhondoro dzedu, ndivoo vachaona zvekuita neny’any’a dzakaita izvi.”

Mugomo iri ndimo zvakare makaiswa mabooster maviri emasaisai enhare uye Sabhuku Nhemachena vanoti akazoiswa mushure mekunge vemakambani enhare aya vatanga vakumbira kwavari kuita chivanhu kuti basa iri rifambe.

Macey Chipfunde (26) anogara munzvimbo iyi anoti anoshamiswa nechiitiko chekushaikwa kwehari idzi.

“Chinotinetsa ndechekuti hari idzi dzaigara mubako. Zvinoreva kuti vakadzitora vanhu vanoziva nezvenzvimbo ino. Hatizive kuti hari idzi dzakaendeswa kupi, nyaya dzakadai idzi dzinofumura nzvimbo,” anodaro.

Zvichakadai, mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti nzvimbo dzinoyera hadzisi dzekuita dambe nadzo.

“Vanhu vekudunhu rakaitwa izvi vanoziva chivanhu chavo, vachangoitawo mhiko dzavo mbavha nemidzimu zvopedzerana. Chivanhu hachidhakwe, hachisi chekutamba nacho sezvakaitwa izvi,” vanodaro.

Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza vanoshorawo vanhu vakaita izvi vachiti:

“Kune dzimwe nzvimbo vanhu vakashereketa ava vangadai vakatetereka nesango. Vaitozowanikwa vakatsiga hari idzi mushure memazuva,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Alice Masoko (66) – avo vanozivikanwa saMbuya Kwenda vekuLochnvar, muHarare – vachiti vanhu vakashereketa ava vachasangana nazvo.

“Pakadai apa vanhu ava vaifanirwa kusangana neshumba kana kudzingirirwa nenyoka kusvikira vawanikwa nevanhu. Dzaisavaruma kusvikira vaneta zvekutadza kutiza dzovarinda kudakara vanhu vasvika,” vanodaro.

Mudunhu rakabiwa hari iri ndiko zvakare kwave kuonekwa mazishato achingopishana pedyo nemisha yeko munyaya isati yazivikanwa kuti iri kukonzerwa nei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey