Uncategorized

‘Hatichangoda vayenzi chero’

27 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Hatichangoda  vayenzi chero’ Mambo Zimunya (kuruboshwe)

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Zimunya vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanoti sedanho rekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munharaunda yavo nenzvimbo dzakavakomberedza, vakadzika murawo unoti vayenzi vose vanoshanyira mumisha yeko vanofanirwa kuziviswa kwasabhuku nekudare ravo uye vozivikanwa kuti vanenge vabva kupi.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vanoti danho ravakatora iri rinotevera misangano yavakaita neveutano uyewo nemasabhuku eko kuti vaone nzira dzekudzivirira kuti chirwere ichi chisapinde mudunhu ravo.

“Muno mudunhu rangu, hakuna muyenzi achangouya pamba pemunhu ogara zvisina kuzivikanwa nasabhuku neni samambo. Tinoda kuziva kuti munhu iyeye anenge abva kupi uyewo kuti afambirei kumhuri yaashanyira nekuti mutemo uri kuti vanhu ngavagare kudzimba dzavo, vosiyana nekushanyirana,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti nyaya dzavanonzwa dzekuti kune vanhu vari kutiza munzvimbo dzavanenge vakachengetedzwa vachivhenekwa Covid-19 dzinovatyisa nekuvhundutsa vachiti hazvizivikanwe, dzimwe nguva vanhu vakadaro ndivo vanosvikovanzwa mumisha yavanenge vapotera.

“Kuno taonesana nevamwe vedu — kusanganisa masabhuku ose emuno maZimunya ari 275 — tikabvumirana kuti muenzi wose anofanirwa kuziviswa kwasabhuku uye kuti abvepi nenguva yaachagara pamusha paanenge auya.

“Ane pamusha pauya muenzi anofanirwa kutaura chinangwa chekushanya uye toziva zvakare kuti kwabva munhu uyu kwagara kusina dambudziko rechirwere ichi here. Tinokwanisa kuita tsvakurudzo toga toziva mamiriro emunhu iyeyo.

“Kana zvichibvira, iye ari kushanyirwa wacho anofanirwa kufana atiudza kuti achaita muenzi.”

Mambo ava vanoti mutemo wavakadzika unoti kana munhu achishanyira zvakasiyana mudunhu ravo, anofanirwa kuva netsamba inobva kwasabhuku wake kana mambo iyo inenge iine zvikonzero zvaavinga.

Tsamba iyoyo inofanirwa kunge iine chidhindo chekwasabhuku nechamambo vekwabviwa.

“Kana munhu uyu achibva kuguta kana dhorobha, ngaauyewo netsamba yekumapurisa kana yakanzura wake kana yekubasa kwake. Zvose izvi takatotanga masvondo maviri adarika, kana vaenzi vakasazvitevedza vanodzoserwa kwavabva — hativatendere kurara kana kugara muno,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti danho iri riri kufambirana nematanho ari kutorwa neHurumende yaPresident Mnangagwa kuitira kuti veruzhinji vagare kudzimba dzavo uye vasangofamba-famba zvisina tsarukano.

“Zvatadzika izvi zvinotevera mashoko anobuda muno nekunze anoti kune vanhu vari kutiza munzvimbo dzavanenge vakachengetedzwa, aya anonzi maquarantine centres. Munhu iyeye anotiza panzvimbo yaanga akachengetedzwa mushure mekubva kunze kwenyika, akasvikogara mukati medu muno akavigwa nehama dzake, kana aine Covid-19 kureva kuti tose tinoizara pasina zvatinoziva.

“Saka zvatiri kuita izvi handi hutsinye asi kuti kuzvichengetedza kudenda iri.”

Muenzi akasvika kumba kwaashanya vanoti haafanirwe kurara sabhuku asina kuziviswa.

“Masabhuku ndakavapa simba rekuendesa vaenzi ava kumapurisa kana vaita nharo dzekusada kuita zvinodiwa, tine vakuru vemasabhuku nevashandi vezveutano nezvipatara nemakiriniki vanotibatsira pahurongwa uhwu,” vanodaro mambo ava.

Vanoti pahurongwa hwavo vari kuda kusvika pakuti muenzi wose atange anovhenekwa kuzvipatara kana kumakiriniki asati atambirwa.

“Sezvamunongozivawo, Zimunya iri mumugwagwa mukuru weMutare-Birchenough uko kunofamba vanhu vakawanda, zvikuru vangave vachibva sekuSouth Africa, kuMozambique. Saka nematanho aya, tinodzikisa kupararira kweCovid-19 kuno.”

Mambo Zimunya vanokurudzira mamwe madzishe kutevedzera danho iri vachiti zvinobatsira Hurumende zvikuru pakudzivirira kupararira kwechirwere chanetsa pasi rose ichi.

Kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 56 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, vana vavo vakashaya kuchiti vamwe 25 vapona.

Dunhu reManicaland harisati rawanikwa munhu ane chirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links