Hatichazviita zvakare: PSL

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Hatichazviita zvakare: PSL Kudzai Bare

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League inoti ine chivimbo chikuru chekuti varidzi vepembe havapamhe zvekare zvavakaita svondo radarika izvo zvakaona vachiramba kuridza mitambo yePSL ikazosvika pakumiswa.
Svondo radarika, vatsigiri venhabvu vakakatyamadzwa zvikuru nechiitiko ichi apo varidzi vepembe vakaramba kunoridza mumitambo yePSL vasingataure chikonzero chacho.

Izvi zvakazoona PSL ichinyorera kuZifa ichibvunza kuti sei zvainge zvaitika, Zifa ndokuvimbisa kuti zvaisazodzokorodzeka zvekare.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, mutauriri wePSL — Kudzai Bare — anovimbisa vatsigiri venhabvu kuti mitambo yePSL svondo rino ichatambwa pasina chinokoneso sezvakaitika svondo radarika.

“Chakachaya svondo rino, mitambo yePSL iriko uye hakuna chichakonesa kuti itambwe.
“Mushure mekunge nyakanyaka yesvondo radarika yaitika, takanyorera kuZifa tichibvunza kuti sei zvainge zvaitika, ivo vakatipindura vachitivimbisa kuti hazvidzokororwe zvekare.

“Ndiko kusaka makaona kuti svondo radarika takakwanisa kuronga mitambo yeChibuku Super Cup semi-final iyo yakatambwa zvakanaka. Saka svondo rino mitambo iriko,” anodaro.

Bare anoenderera mberi achiti, “Vatsigiri venhabvu tinovakurudzira kuti vasatye, mitambo iriko svondo rino, zvose zvakagadziriswa, varidzi vepembe havambodzokorodze zvavakaita svondo radarika.”
Zvakadaro, mumitambo iriko svondo rino, Dynamos ichienda kuChiredzi kunosangana neTriangle United musi weSvondo kuchiti muHarare muchange mune Harare Derby iyo ichaona CAPS United ichisangana neHarare City.

Uyu uchange uri mutambo wekutanga waLloyd Chitembwe achisangana nemaSunshine City Boys ayo aakatiza masvondo adarika achidzokera kumusha kuKepekepe.

Share This:

Sponsored Links