Kwayedza

‘Hatidi mhirizhonga’

Vhimai vakabhomba kuByo’
‘Zimbabwe inoda runyararo

RUZHINJI muZimbabwe vari kushora mabasa ehugandanga zvichitevera kubhombwa kwakaitwa vanhu vaive pamusangano webato riri kutonga reZANU-PF apo paive nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa, nemusi weMugovera wadarika kunhandare yaWhite City Stadium, kuBulawayo.

Kuputika uku kwakasiya vanhu 47 vakuvara, vaviri vacho ndokuzofa vava kuchipatara.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vari kushora zvikuru nyaya dzemhirizhonga apo Zimbabwe yatarisana nekuita sarudzo musi wa30 Chikunguru.

VaGivemore Matanhire (50) vekuChitungwiza vanoti: “Hatidi kukanganiswa patinoenda kunovhota. Mapurisa ngaaite basa rawo tivhote murunyararo. Vapari vemhosva ngavasungwe varangwe zvakasimba.”

Kuchiti VaDefine Tadiwa vekuChitungwiza zvakare vanoti nyaya dzemhirizhonga dzakadai dzave kuita kuti vamwe vanhu vatye kuenda kumisangano. “Ini hangu nemhuri yangu handichaendi nekuti zvava kutyisa kuti panzvimbo yakachengetedzwa, ine vakuru venyika, yoitika minana yekuputitswa kwezvinokuvadza. Regai zvitiwanire mumba,” vanodaro.

Virginia Malunga (37) wekuEpworth, anotiwo semadzimai anowanzoenda kumisangano yezvematongerwo enyika vachiimba nekutamba, vanodawo kuchengetedzwa.

“Isu tiri madzimai zvekuti panoputitswa zvinhu zvakadai tinofenda uye hatikwanisi kumhanya. Vamwe tinenge taenda takabereka vana kumusana saka idambudziko guru. Runyararo rwakakosha,” anodaro.

VaMunyaradzi Kuzovemunhu (35) vanotiwo sevechidiki, vanoda upenyu hunoendeka nekudaro havadi mhirizhonga.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda vechechi yeSangano Dzvene ReVaPositori vanoti semakereke, vari mushishi kuita misangano yekunamatira runyararo kuti sarudzo dziitwe murunyararo.

“Mhirizhonga yakaitika kuBulawayo yakatibata-bata asi zvinongoda kushinga kunyengetera kunaMwari kuti vanhu vave nemwoyo wehumwe, zvisinei nekuti vanobva kumapato akasiyana ezvematongerwo enyika,” vanodaro.

Pastor Blessing Makwara vesangano rinomirira machechi, reEvangelical Fellowship of Zimbabwe (EFZ), vanoti veruzhinji ngavaremekedze upenyu, vatye kutadza.

“Mapisarema 34 vs 14 inoti ibvai pane zvakaipa mutsvage rugare murwutevere kureva kuti vanhu ngavadzidze kuremekedza upenyu hwevamwe zvisinei nemapato avanotsigira. Sarudzo dzagara dzinoitwa makore nemakore asika, hadzingafaniri kudambura ukama hwako nemumwe waugere naye.

“Mhirizhonga yakaitika kuBulawayo yakaipisisa, vapari vemhosva kana vachinge vabatwa ngavatenherwe zvachose,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), vanoti vari kuitawo mapira echivanhu ekukumbira runyararo munguva yesarudzo.

“Mhirizhonga inounza nzara nehurombo nekudaro semasvikiro nevarapi vechivanhu, tine mapira atinoita tichikumbira kuvadzimu kuti munyika muve nerunyararo. Hatidi ropa rinoyerera nekuda kwepfuti nekuti kana iwo makwenzi anotipa mishonga hatingaacheri kana munyika muine hondo. Kana iyo mvura hainganayi zvakanaka nekuti vadzimu naMwari vanogumbuka,” vanodaro.

Zvichakadai, mapurisa anoti achiri kuferefeta nyaya yekubhombwa kwakaitwa kuWhite City Stadium uye vachapa mari yakawanda kune achabatsira kuti vanhu vakaita mabasa ehugandanga aya vasungwe.