Hatidzore tsvimbo: Mhari

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Hatidzore tsvimbo: Mhari Petros Mhari

Kwayedza

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi weFC Platinum, Petros Mhari, anoti havazi kuzodzokera kumashure zvichitevera kuhwinha kwavakaita mukombe wePremier Soccer League (PSL) kechitatu kakatevedzana mwaka wadarika sezvo vanoda kuutora zvakare gore rino.

Chikwata ichi ndicho chakaita chekutanga chisiri chemuHarare neBulawayo kuhwinwa mukombe wePSL kubva mugore ra1980.

FC Platinum ichangobva kugadza murairidzi mutsva – Hendrik Pieter de Jongh uyo akatsiva Norman Mapeza akasiya basa achienda kunorairidza Chippa United yekuSouth Africa – nechinangwa chekusimbaradza chikwata ichi gore rino. Lizwe Sweswe ndiye ange akambofanobata chigaro chekurairidza FC Platinum uye achange achishanda naDe Jongh ari mutevedzeri wake.

Petros anoti FC Platinum yave kuda kutevera matsimba eDynamos neHighlanders nekuhwina mukombe wePSL kechina kakatevedzana mwaka uri kutevera.

“Mutambi wenhabvu chishuvo chake kuhwina mikombe yakawanda uye isu sechikwata tiri kurwa kuti tihwine mikombe yakawanda chaizvo yakasiyana. Tinoda kutevera matsimba eDeMbare neBosso uye todarika pavakasvika tohwina kana kashanu chaiko,” anodaro.

Mumakore matatu adarika, sezvo FC Platinum yange ichihwina mukombe wePSL, ndiyo yange ichimirira Zimbabwe mumitambo yeCAF Champions League.

Asi, mumutambo uyu chikwata ichi change chisiri kutamba zvinogutsa izvo Petros anoti vari kushanda nesimba kuti vadarike zvavaiita makore apfuura.

“Sechikwata, tiri kushanda nesimba kuti tiite zvinorova mumitambo yakasiyana-siyana, kunyanya yeChampions League. Mutambo uyu mukuru sezvo uriwo unotibatsira kuti tigadzire mazita edu tigoenda kune zvimwe zvikwata zvikuru mune remangwana,” anodaro.

Petros anoti akangomirirawo mukana wekuenda kunotambira kunze, hunge ukauya asi haadi kufunga zvakawanda kana usati wavepo.

“Ini chandiri kufunga nezvazvo iye zvino iFC Platinum sezvo iriyo yandiri kutambira. Kana ndisati ndanzwa kuti pane chimwe chikwata chinondida handifunge nezvazvo, ndongofunga zvePlatinum chete,” anodaro.

Zvakadai, Petros anoti mwoyo wake unorwadza zvikuru sezvo achida kuziva kune mukoma wake – Collins Mhari – uyo akangotsakatika mugore ra2007 apo akaenda kunozama raki rake kuchikwata cheSuperSport United, kuSouth Africa. Vazhinji vanoziva Petros ariye akaita mukurumbira panyaya yekutamba nhabvu asi Collins ndiye akatanga kutamba mutambo uyu.

Collins akambotambira Zimbabwe Saints neMasvingo United ndokuzobva achienda kuSouth Africa achinozama mhanza kuzvikwata zveko zvinosanganisira SuperSport United. Petros anoti zvinonzi Collins nerimwe zuva paaive kuSouth Africa akamuka munguva dzemangwanani semunhu wenhabvu ndokutanga kumhanya senzira yekusimbisa muviri wake uye kubva ipapo haana kudzoka ndokushaikwa zvachose.

“Makore 13 tichitsvaga mukoma wangu akashaikwa kuSouth Africa uko akaenda kunozama raki rake uye isu semhuri hatisi kuzozorora kusvika taziva kuti chii chaizvo chakaitika kwaari Collins. Baba vedu vakashaika tikasvika pakuvaviga vasina kuziva kuti Collins aripi.

“Ndiye akatanga kuita zvenhabvu mumhuri medu uye akambotambira Zimbabwe Saints neMasvingo United ndokuenda kuSouth Africa kunozama raki rake ikoko, kunove kwaakazongoshaikwa kuti akaendepi,” anodaro Petros.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey