Hatikwate: Chegutu Pirates

14 Apr, 2022 - 11:04 0 Views
Hatikwate: Chegutu Pirates Jeffrey Wachiseka

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu cheChegutu Pirates chinoti hachina chimwe chachinovhunduka apo chatarisana nekusangana neSimba Bhora FC mumutambo weAxis Solutions Super 8 Tournament svondo rino.

Mitambo iyi ichaona zvikwata zvange zviri muTop 8 zvichibandana apo ligi reNorthen Region Soccer League (NRSL) rakamboenda pazororo. Mumitambo iyi, kunze kweChegutu Pirates ichisangana neSimba Bhora FC, Herentals U20 FC ichatamba neBlack Mambas FC, Golden Eagles ichitatsurana neNgezi U19 FC uye Commando Bullets ichibandana neTrojan Stars FC.

Munyori mukuru weChegutu Pirates, Jeffrey Wachiseka, anoti vagadzirira mutambo uyu uye hapana chikwata chavanotya.

“Zvikwata zvose zvikuru, kusanganisira iyo Simba Bhora, tiri kusangana nayo svondo rino mumutambo weAxis Solutions Super 8 Tournament, takatombosangana nayo tikasvitsana kumiganhu.

“Haina kutikunda uye hatisati tambokundwa nezvikwata zvikuru, taitozvikunda. Saka tiri kuzvitemba kuti tine mukana mukuru wekufambira mberi mumutambo uyu,” anodaro Wachiseka.

Murairidzi weNgezi Under-19 FC, Klifton Kadurira, anoti chikwata chavo chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura uye vanoda kubika vatambi vechidiki avo vanozotumira kuchikwata chevakuru.

Klifton Kadurira

“Isu tinofara kuve pakati pezvikwata zvisere zvakabudirira kuti zvigokwikwidza mumutambo weAxis Solutions Super 8 Tournament. Zvinorakidza kuti basa ratiri kuita rekubika vechidiki riri kufamba negwara chairo.

“Kutaura kuno, tine vatambi vatatu avo vave kutotambira muchikwata chevakuru. Saka ticharamba tichisevenza nevechidiki tichivabika.

“Mutambo weAxis Solutions Super 8 Cup tiri kuona kuti uri kusimudzira vatambi vedu vazhinji,” anodaro Kadurira.

Zvakadaro, neMugovera svondo rino apo Simba Bhora FC iri kutamba neChegutu Pirates, nemusi weSvondo kuchasangana Herantals U20 neBlack Mambas.

Share This:

Sponsored Links