Hatina chekutaura: Zifa

16 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Hatina chekutaura: Zifa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAURIRI weZimbabwe Football Association – Xolisani Gwesela – anoti havana chekutaura zvichitevera kumbomiswa basa kwaitwa vatungamiri veZifa neSports and Recreation Commission (SRC) nhasi.

Achibvunzwa neKwayedza kuti Zifa inoti kudii nedanho ratorwa neSRC, Gwesela anoti, “Handikwanise kupindura mubvunzo iwoyo, kana muchida kuziva zvakawanda taurai neSRC mubvunze zvose vanokubatsirai.”

Nhasi mangwanani SRC yazivisa nezvekumisa kwayaita basa bhodhi reZifa nekuda kwezvikonzero zvakawanda izvo iri kupomera sangano renhabvu iro rinotungamirirwa naFelton Kamambo.

Zvimwe zvezvikonzero zvamisirwa Zifa basa zvinosanganisira kusashandisa nemazvo mari yeveruzhinji pamwe nekutadza kupa umboo hwekuti mari iyi yakashandiswei, kutumira zvikwata zvenyika kunokwikwidza kumitambo yakasiyana kunze zvisina kupihwa mvumo sezvinodiwa pasi pemutemo wekurwisa denda reCovid-19 uye mashoko ekushungurudzwa kwevaridzi vepembe vechidzimai.

Nyika yamirira kuona kuti sangano reFifa richatora matanho api kuZimbabwe sezvo isingatendere kuti hurumende dzipindire munyaya dzenhabvu.

Share This:

Sponsored Links