HATITYE EGYPT: ZIM

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
HATITYE EGYPT: ZIM Thabani Kamusoko

Kwayedza

Abel Ndooka
VATAMBI vechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors vanoti vagadzirira zvikuru mutambo wavo weAfrica Cup of Nations (Afcon) apo vachatatsurana neEgypt nemusi weChishanu chino.

MaWarriors ndiwo achavhurira makwikwi aya apo ari kusangana neEgypt mumutambo wekutanga uyo uchatanga na10pm.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevatambi vemaWarriors vakasiyana avo vanoti vagadzirira mutambo uyu. Knox Mutizwa – uyo anove mutambi wemaWarriors neLamontville Golden Arrows yekuSouth Africa – anoti zvikwata zvese zviri kukwikwidza kuAfcon zvinofanirwa kuvhunduka chikwata chavo.

“Gore rino takatodya nduru, zvikwata zvese zviri kuAfcon ngazvitodedera nekuti isu takatosimbisisa.

“Chikwata chedu chakasimba zvikuru uye tine vatambi vakawanda vane tarenda vari kutambira zvikwata zvekunze kwenyika saka tinotokwanawo pamamonya ipapo,” anodaro Mutizwa.

Kubva maWarriors paakatanga kukwikwidza kuAfcon mugore ra2004, chikwata ichi hachisati chambobuda muboka rachinenge rapinzwa. Asi, Mutizwa anoti zvinhu zviri kushanduka gore rino sezvo shuviro yavo iri yekutamba nhabvu yepamusoro kuti vagosvika kure mumutambo uyu.

“Takwikwidza makore akawanda kuAfcon asi tichingoburitswa mutambo uyu uchangotanga saka gore rino zvinofanirwa kushanduka.

“MaWarriors rwendo runo ndiwo chikwata vazhinji vachange vachitaura nezvacho chete nguva dzose nekuti takagadzirira. Chimwe chinhu zita handiro rinotamba nhabvu saka zvekuti Mohamed Salah hatizvitarise izvo isu Khama Billiat naKnowledge Musona, Tino Kadewere naNyasha Mushekwi vese avo tinavo vatambi vepamusoro,” anodaro.

Gore radarika, Mutizwa akanwisa chibodzwa chakanetsa zvikuru mumutambo weAbsa Premiership wechikwata chake neMaritzburg United uye chibodzwa ichi chakasvika pakuvhoterwa kuve Goal of the Month mumwaka waNyamavhuvhu 2018 iye ndokupihwa mubairo. Anoti kana akawana mukana wekutamba kuAfcon anoda kudzokorodza zvaakaita kuSouth Africa nekunwisa chibodzwa chinohwina mubairo weGoal of the Tournament.

“Mukana ukauya kuAfcon ndinoda kuita zvinorova sezvandakaita kuSouth Africa pamutambo wechikwata changu neMaritzburg United. Ndoda kuuhwina mubairo weGoal of the Tournament, zvandakaita kuSouth Africa.

“Kana zvikaitika ndingafare zvikuru, asi chikuru kwandiri kuhwina sechikwata mikombe mikuru yakaita seAfcon iyo tiri kuenda kunorwira. Hapana chinoramba uye kana kutitadzisa, zvese zvinogona kuitika,” anodaro Mutizwa.

Mashoko ake anotsinhirwa naTendayi Darikwa uyo anotambirawo zvakare Nottingham Forest yekuEngland achiti vagadzirira kubata basa sebasa.

“Afcon inoonekwa pasi rese wena, yakakosha zvikuru uye inoteverwa nekuti vatambi vazhinji vane mukurumbira vanouya kuzokwikwidza kumakwishu aya saka tinofanirwa kunge takagadzirira kuti tibate basa.

“Isu chedu chete tinofanirwa kutamba sechikwata uye hatifanirwe kutarisa zvinoitwa nevamwe vatambi.

“Isu ngatingoita basa redu chete ratakafambira,” anodaro Darikwa.

Thabani Kamusoko – uyo anotambira nhabvu yake kuTanzania – anoti anozviziva kuti maWarriors ari muboka rakaoma zvikuru asi vanofanirwa kushanda nesimba kuti vafambire mberi mumutambo uyu.

“Ndinoziva hangu kuti tiri muboka rakaoma zvikuru asi tikashanda nesimba tinosvika kure uye isu chatiri kuda kusvika kure mumutambo uyu,” anodaro.

MaWarriors ari muboka reGroup A nezvimwe zvikwata zvinoti Egypt, Uganda neDemocratic Republic of Congo.

Zvakadai, Hurumende yakatoumba komiti yekutsigira chikwata chenyika ichi nemari yeWarriors Fund Raising  Committee.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakadoma komiti iyi nechinangwa chekuti iunganidze mari ichashandiswa nemaWarriors mumakwikwi aya.

Share This:

Sponsored Links