HATITYE SRI LANKA: GEMS

12 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
HATITYE SRI LANKA: GEMS Perpetual Siyachitema (kuruboshwe) aine vamwe vake vachikwata chemaGems

Kwayedza

Chipo Sabeta ari kuLIVERPOOL, England naAbel Ndooka ari muHARARE
KAPUTENI wechikwata chenyika chenetball chemaGems — Perpetual Siyachitema — anoti vacharwa semvumba uye vanoda kusimudzira mureza weZimbabwe kumakwishu eVitality Netball World Cup ayo ari kuitirwa kuLiverpool, kuEngland.

Achitaura neKwayedza, Siyachitema anoti maGems achatamba nemwoyo wose kuti vagohwina mitambo yavo vagopedza vari pakati pezvikwata zvikuru zviri kumakwishu aya.

MaGems ari muboka reGroup A umo achasangana nezvikwata zvinoti Australia — iyo inove shasha ine mukombe wenetball — Sri Lanka neNorthen Ireland.

Mutambo wekutanga wechikwata chenyika ichi uriko musi weChishanu chino apo chichasangana neSri Lanka kunhandare yeM&S Bank Arena kuLiverpool Court Two.

Mushure mezvo, maGems achazosangana neAustralia musi weMugovera ozopedzisira neNorthen Ireland musi weSvondo.

Siyachitema anoti kubva zvavakasvika kuEngland, vange vachiongorora mitambo yeSri Lanka iyo yavachasangana navo mumutambo wekutanga ndokuona kuti vatambi vayo varefu zvikuru kusiyana navo sezvo vakati pfupikei.

“Takaongorora chikwata cheSri Lanka, chine vatambi varefu zvikuru kudarika isu asi murairidzi wedu akatsvaga nzira dzekuti tinogona kuvakunda sei.

“Zvekureba kwavo hatisi kuzozvitarisa uye hazvireve kuti vachatikunda, isu ticharwa semvumba mumutambo uyu,” anodaro Siyachitema.

Anoenderera mberi achiti, “Isu senyika pasi rese tiri pechi13 pakutamba netball saka kumakwishu eVitality Netball World Cup tiri kuda kurwa zvakasimba totamba sechikwata kuti tirpedze tiri mutop 8.”

Achitaura pamusoro perutsigiro rwavakawana kubva kumakambani akasiyana anosanganisira Simbisa Brands, Econet, National Foods nemamwe, Siyachitema anoti zvakavasimudzira morari yavo uye zvave kuvatuma kuti vashande nesimba kumakwishu aya.

“Tinotenda zvikuru makambani ese akatibatsira kuti rwendo rwedu rureruke kuenda kumakwishu aya, zvaisava nyore kudai vasipo saka tinotenda zvikuru.

“Rutsigiro rwatawana rwaunza mufaro kwatiri isu vanasikana veZimbabwe uye zvave kutituma kuti titambe nesimba kumakwishu aya,” anodaro Siyachitema.

Pazvikwata zvese zvemuAfrica, maGems ari kumakwishu aya nezvimwe zvikwata zvinoti South Africa, Uganda neMalawi.

Mutungamiri weZimbabwe Netball Association, Leticia Chipandu, anoti vasikana vemaGems vacharwa vamire mumitambo yavo.

Kubva kare, zvikwata zvizhinji zvaikwikwidza kumakwishu epasi rose akasiyana hazvina kumbobvira zvauya nemukombe izvo zvakapedzisira kuitwa nechikwata chemaGolden Girls icho chakahwina menduru yegoridhe kumaOlympics mugore ra1980.

Asi, Chipandu anoti rwendo rwuno zviri kuzoshanduka.

“Chandinovimbisa ndechekuti hatisi kungoburitswa mumutambo uyu uchangotanga, izvo kwete bodo.

“Vasikana vachatamba kusvika kumagumo uye ndinokuvimbisai kuti tichaunza mufaro mukuru kunyika yedu kubva kumakwishu aya,” anodaro Chipandu.

 

Share This:

Sponsored Links