Uncategorized

‘Hatizive kuti Covid-19 chii’

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
‘Hatizive kuti Covid-19 chii’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
VAKAWANDA vevanotengesera kuMbare Musika, muHarare, vanoti havana chavari kunyatsoziva maererano nezvechirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19 uye vanoda kupakurirwa ruzivo rwekuti chinoparadzirwa nekudzivirirwa sei.

Vanotaura izvi zvisinei nebasa rakasimba riri kuitwa neHurumende nemamwe mapoka rekupakurira veruzhinji ruzivo nechenjedzo pamusoro peCovid-19.

Mapepanhau, nhepfenyuro nedzimwe nzira dzekufambisa nadzo mashoko zvangozara nyaya dziri pamusoro pechirwere ichi.

Covid-19 inotapuriranwa nekukosora, kuhotsira, kubva kumunhu ayo uye kuguma kana kubata chinhu chine hutachiona hwayo.

Naizvozvo veruzhinji vanokurudzirwa kuti vambomira kuungana, kungofamba-famba uye kugeza maoko avo nesipo zvakanyanya pakati pezvimwe sedziviriro.

Asi svondo rino, zvisinei nekurudziro iyi, kuMbare Musika vanhu vaingova besanwa sezvavagara vachiita.

Kwayedza inoita hurukuro nevanotengesa zvakasiyana mumusika uyu mushure mekuona kuti havasi kutirimuka, avo vanopa mafungiro avo pamusoro peCovid-19.

Wadzanai Machakaire – uyo anotengesa magirosari – anoti havana ruzivo rwakazara pamusoro pecoronavirus zvisinei nekuti chirwere ichi chaparadza upenyu hwevanhu vadarika 15 000 pasi rose, mumwe chete wacho ari wemuZimbabwe.

“Isu tinosangana nevanhu vakawanda pakutengesa asi hatisati tava neruzivo rwakakwana kuti zviri kufamba sei. Kana ndiri ini handina ruzivo rwakakwana pamusoro pacho,” anodaro.

Progress Tshuma anobva amugamha achiti vose vanoita zvekutengesa mumusika uyu vari panjodzi yekutapurirwa coronavirus kana pakasatorwa matanho anosimbaradza dziviriro sekumbouvhara.

“Tiri kuchinjana mari nevanhu vakawanda pasina kana dziviriro zvekuti kana chirwere ichi chichinzi chinoparadzirwa nemari, isu tichapera nekuti kubata mari ndiko kurarama kwedu. Nyaya yekugeza maoko yatiri kunzwa ichingofamba iyi inonetsa pakuti mvura yacho kana tichitengesa haiwanikwe nyore. Hatina magetsi mazuva ano, saka zvimwe zvinhu zviri kutaurwa pamaredhiyo nemaTV asi handizvizive nekuti tinenge tisina magetsi,” anodaro.

Asi kusaziva nezveCovid-19 kwaMai Merjury Mbano kunototyisa. Vanoti vari kungonzwa mashoko ari kubuda nepakasiyana-siyana asi ruzivo rwakakwana havasati vava narwo.

“Ndakangonzwa nevamwe vachiti coronavirus chirwere chekuti munhu anotanga kuita makonye mukanwa, paanozowandisa hanzi panoita zigonye hombe rekuti munhu anozorisvina. Rikafa zvose nemadiki acho, hanzi ndiko kufa kwakowo.

“Vamwe vari kutiwo hamufanire kumhoresana kana kuungana asi isu vanotengesa tingararama sei? Hatina ruzivo rwakanyatsokwana kuti chinofamba sei, vamwe vanoti chinofamba nemhepo,” vanodaro Mai Mbano.

Zvisinei nekuti zvakawanda zviri kuswerobuda munhau, Takudzwa Nhamo anoti panodiwa nzira dzekuti veruzhinji vave neruzivo rwakakwana nezvechirwere ichi.

Anoti kushaya ruzivo kwevanhu kunogona kuita kuti vawire munjodzi vasingazive.

VaVictor Mzilikazi vanoti kuti vanhu vasaungana munzvimbo dzakaita seMbare Musika zvinonetsa.

“Mbare inogara iine vanhu vanodarika chero zviuru sezvamuri kungoona. Vanhu ava havakwanise kusauya kuno nekuti ndiko kunokwirirwa mabhazi nevakawanda. Vamwe vachibvawo kudzimwe nzvimbo sekumaruwa vanenge vasina kana ruzivo rwakakwana. Saka panoda kuti Hurumende itsvage nzira dzekuzivisa vanhu nenguva kuitira kuti vasazoparara nekuda kwekusaziva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey