Uncategorized

‘Haukwerete uchidaro’

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME anogara kuUnit M, kuChitungwiza, akamiswa mudare reko nemhosva mbiri dzinoti yekukwereta zvisina mvumo yemukweretwi (unauthorised borrowing or use of property as defined in Section 116 of the Criminal Codification and Reform Act) neyekurova munhu.

Silas Vuranda (39) akabatwa nemhosva yekurova Raymond Matsika (42) wekuChitungwiza kwakare pamwe nekutora zvinhu zvake zvisina mvumo yake.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts Tendai Mutamba akapa Vuranda chirango chekubhadhara faindi ye$60 pamhosva yekutanga uye $100 pamhosva yepiri.

Mari iyi inofanira kubhadharwa musi wa15 Gumiguru usati wadarika.

Muchuchisi Beualar Chikomo akaudza dare kuti nomusi wa8 Gunyana gore rino pachiteshi chekuUnit L, Vuranda akanetsana naMatsika zvichitevera tsaona yemotokari yainge yaitika pakati pake nemukoma waMatsika.

Vuranda akabva atema Matsika nechidhina mumusoro ndokumudira doro.

Munyaya yepiri, Vuranda akatora midziyo yemumhan’ari yaisanganisira US$10, maboni-boni nenharembozha yerudzi rweG Tel pasina mvumo achiti aizozvidzosa.

Midziyo yise iyi inokosha $3 200 uye yakawanikwa.

Vuranda anobvuma mhosva yake achiti bongozozo iri rakamuka mushure metsaona yainge yaitika.

Share This:

Sponsored Links