Uncategorized

‘HAUNYARE, RUME GURU KUWETERA MUMAGUMBEZE’

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘HAUNYARE, RUME GURU KUWETERA MUMAGUMBEZE’

Kwayedza

Courtney Munodawafa
MURUME anogara kuKuwadzana, muHarare, akashaya pekupinda nenyadzi mudare apo akafumurwa nemudzimai wake kuti anoitira weti mumagumbeze.

Sandy Chitomba akaendesa Wellington Muzura kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Chitomba anoti Muzura anomurova kana achinge audzwa makuhwa nehama dzake uye asina kumbomubvunza nyaya yacho.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Chitomba gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu wemakore 16, asi anondirova nezvibhakera muviri wose. Anondituka nezvinyadzi pamberi pevana achindityisidzira nerufu.

“Akadira hembe dzangu acid zvekuti tiri kutadza kugara pamba zvakanaka. Apa baba ivava vanoitira weti mumagumbeze,” anodaro Chitomba.

Muzura anoti haapokane nechikumbiro chemudzimai wake asi haadi kushungurudzwawo.

“Handipokane nazvo, asi iye ngaasandishungurudza. Ngaaregere kuuya nezvikomba zvake kwandiri, handiti ataura kuti haachandida? Ndakaona meseji kubva kuchikomba chake ndikabva ndadira hembe dzake acid. Handiite weti mumagumbeze ini,” anodaro.

Chitomba anobva amugamha achiramba kuti ane zvikomba.

“Inga wani mudzimai akaita chipfambi anorambwa, dai chiri chokwadi wakandiramba. Ndiri kutoziva kuti tichibva pano chinenge chakatochaya, akanditi handisvike zuva redare remendenenzi ndiri mupenyu. Handisi kutoenda kumba,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>