Havazvidi: Mhare yekurima yaenda

19 May, 2022 - 21:05 0 Views
Havazvidi: Mhare yekurima yaenda Dr Havazvidi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru pakuuchika mbeu yeSeed Co, izere nekusuwa zvichitevera kufa kwaDr Ephraime Kudzaishe Havazvidi, avo vakasimudzira mabasa ekurima zvakanyanya munyika muno kuburikidza nekuuchika mbeu dzinosanganisira yekutanga yegorosi.

Varimi vakawanda, kunyanya wegorosi vakava nekusuwa kukuru svondo rapera apo vakaziva nezvekushaika kwemhare Dr Havazvidi.

“The Wheat Breeding Community uye kambani yeSeed Co tiri kurwadzikana zvikuru nekurasikirwa uku.

Dr Havazvidi vakabarwa musi wa12 Chivabvu 1953 uye vacharamba vachirangarirwa nemabasa makukutu avaiita mukuuchika mbeu dzegorosi, zvikuru mhando yeSC Nduna inova inorimwa munzvimbo zhinji dziri kuchamhembe kweAfrica.

“Ndivo zvekare vakauchika mbeu yekutanga yegorosi vachishandisa ruzivo rwavo rwechizvino-zvino pakaburwa kwemhando yegorosi inodaidzwa kunzi SC Sahai inova yekutanga kunyoreswa zviri pamutemo muZimbabwe,” inodaro Seed Co.

Dr Havazvidi vakashandira kambani yeSeed Co kwemakore 40 apo vakatanga vari seed production research agronomist mugore ra1980.

Vakazokwiridzirwa zvigaro zvazvo izvo zvakaona vachiuchika mbeu yegorosi (wheat breeder).

Vakazove mukuru weRattray Arnold Research Station pamwe nagroup head of research wekambani iyi.

Dr Havazvidi vaive mhare mubasa ravo uye vakakwanisa kuuchika mhando dzembeu dzegorosi dzinosvika 25 kubvira pavakapinda basa kuSeed Co kusvika panguva iyo vakazoenda pamudyandigere.

Ndivo murimisi mukuru akauchika mhando yembeu yegorosi yeSC Scarlet iyo yakazopembedzwa paZIMACE kuti inogadzira chingwa chemhando yepamusoro.

Panguva yavazoshaya, vange vaine hurongwa hwekuburitsa mabhuku ezvinyorwa zvegorosi, chibage nenzungu vachishanda nedzimwe nyanzvi dzezvekurima.

Seed Co inoti Dr Havazvidi vacharamba vachirangarirwa nehunyanzvi hwavo hwekusimudzira mabasa ekurima munyika muno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey