Haye osendeka tsiva

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Haye osendeka tsiva David Haye

Kwayedza

DAVID Haye (37) ari kutarisirwa kusendeka magirovhosi ake etsiva izvo zvichamuona achizorora kubva mumutambo uyo waatamba kwemakore anodarika 16. Izvi zvinotevera mashoko ange achibva kuruzhinji ekuti shasha iyi ngaichisiya tsiva.Haye akataura padandemutande reTwitter svondo rino kuti ramagwana rake acharizivisa nekuchimbidza uye SportsMail iri kuziva kuti akaronga kuti achisiya mutambo uyu zvichitevera kukundwa kwaakaitwa kaviri kakatevedzana naTony Bellew.

Vazhinji vanoti shasha iyi yaifanirwa kuve yakasiya tsiva paakakundwa naBellew pekutanga gore radarika, apo paakakuvara gumbo rake, uye kuzorikitwa kwaakaitwa zvakare mwedzi uno ndiko kwave kumutuma kuti achisiya mutambo uyu izvo zvakarakidza kuti haasisiriye mutambi waaive kare apo akahwina bhande reWBA heavyweight mugore ra2009.

Mabhande aakahwina mumakore masere ekutanga mumutambo uyu acharangarirwa zvikuru mumakore anotevera sezvo Haye akave mumwe wevatambi vetsiva vepamusoro kwemakore akawanda. Asi anoteverwa nenyaya dzakawanda dzinosvibisa zita rake kubva pakunyepera kutyoka chigumwe zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naWladimir Klitschko uye kurwa naDereck Chisora pamberi pevatori venhau (press conference) zvichitevera kukundwa kwakaitwa Chisora naVitali Klitschko mugore ra2019. – SportsMail boxing

Share This:

Sponsored Links