Haye osendeka zvetsiva

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Haye osendeka zvetsiva

Kwayedza

. . . ndakabata basa

AIMBOVE shasha yetsiva ine mabhande eWorld heavy-weight – David Haye (37 – ari pamufananidzo pasi), otaura pachena kuti asendeka zvino kutamba mutambo uyu zvachose zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naTony Bellew mitambo miviri yakatevedzana.

Haye akatanga ari muboka reCruiserweight ndokusimukira kunokwikwidza muboka reWBA heavy-weight ndokuhwina bhande iri murwendo rwaifadza zvikuru. Asi kukundwa kaviri kwaakaitwa naBellew kwakamuvharira mikana yekuhwina mabhande ake aakatorerwa zvazotuma shasha iyi kusiya tsiva zvachose.

Haye anga ari mumwe wevatambi vetsiva vaigona zvikuru asi mumakore 16 aakwikwidza mumitambo 32 yaakarwa, ange ave kugara akakuvara makore adarika. Asi kunyangwe hake akave mutambi wetsiva wekutanga kubva muBritain kuUnified cruiserweight king uye nekuzokunda Nikolay Valuev wekuRussia mugore ra2009 kuti ave nemabhande maviri emumapoka akasiyana, gadziriro dzisina kukwana ndidzo dzakazomutadzisa kutamba zvakanaka izvo zvakamuona achikundwa mugore ra2011 naWladimir Klitschko uye zvikamukanganisa zvakare mumitambo miviri naTyson Fury.

Mamiriro ezvinhu aya akaramba achimukanganisa zvichitevera kudzoka kwake mutsiva muna 2016 apo akapedza makore mana ambobuda mumutambo uyu.

“Ndinofara, ndiri mutano, mhuri yangu yakagara zvakanaka uye mari iripo saka ibasa rakabatwa zvakanaka,” anodaro achitaura kuti asendeka kukwikwidza mutsiva.” – Sportsmail Boxing

Share This:

Sponsored Links