hd otsikisa dvd raUsandisiye

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
hd otsikisa dvd raUsandisiye David ‘HD’ Hondoyedzomba

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI weAfro-fusion neJazz – David “HD” Hondoyedzomba – anoti vaimbi ngavakoshese kubika mavhidhiyo kuitira kuti vafambirane nenguva sezvo anobatsira zvikuru mukuburitsa zvizere rwiyo rwunenge ruchiimbwa. HD, uyo parizvino ari mushishi kubika DVD redambarefu rake rinonzi “HD the Album” – anoti mavhidhiyo anenge akabikwa zvemhando yepamusoro anokwezva vatsigiri.

“Mazuva ano vanhu vave kunakidzwa nezvekuona nekudaro mavhidhiyo anobatsira kunyatsoburitsa nhau yezvaunenge uchiimba. Saka vaimbi ngatishandisei nzira iyi kutengesa mhanzi yedu nekuti kubika mavhindiyo emhando yepamusoro kunokwezva vatsigiri vemhanzi uye vakotsveri nemapuromota vanodira mari kuti mhanzi isimukire,” anodaro HD.

Anoenderera mberi achiti, “Tinofanirwa kufambirana nenguva, mhanzi ichibuda wobva waburitsawo nevhidhiyo yacho.”
Dambarefu raHD iri rine nziyo dzinosanganisira Usandisiye ako akaimba naRute Mbangwa, Chikonamombe, Yabvuta Rekeni nedzimwe dzakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey