Headmaster otumira mifananidzo yake kumudzimai wemunhu ari musvo

06 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Headmaster otumira mifananidzo yake kumudzimai wemunhu ari musvo James Mukwirimba

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MUKURU wechikoro chiri kuHighfield, muHarare, ari panguva yakaoma mushure mekutumira mifananidzo yake asina kupfeka kune mukadzi anoshanda semunyori wake pachikoro ichi uyo anova mudzimai wemuridzi.

James Mukwirimba anova mukuru wechikoro cheKudzanayi Primary School akanetsana nemurume wemudzimai uyu, Crispen Zhou, mushure mekunge aona mifananidzo nemashoko ainge atumirwa kuna Privillage Zhou munhare yake.

Privillage anonzi akaramba kudanana pamwe nekushinha naMukwirimba ndokuratidza Crispen mashoko nemifananidzo zvaakatumirwa nemukuru wechikoro uyu.

Crispen akatokwidza nyaya iyi kumukuru anoona nezvedzidzo mudunhu reHarare.

Mukwirimba anotsinhira kuti ndiye akatumira mifananidzo iyi.

“Inyaya yakareba mukoma wangu,” anodaro Mukwirimba.

“Ichokwadi kuti mufananidzo wemunhu asina kupfeka ndewangu, ndini ndakatumira kuna Crispen, kwete mudzimai wake anova munyori wangu wandinoshanda naye.

“Takanetsana Crispen achindipomera kudanana nemudzimai wake achindituka.

“Nehasha, ndakati kwaari: Handidanane nemudzimai wako asi iwe ndiwe wandingatoita mukadzi.

“Mushure mekupopotedzana kwatakaita, ndakamutumira pikicha iyi ndisina kupfeka asi nhasi ndave kuzvidemba nekuti akazoitumira kuvanhu vakawanda vanosanganisira shamwarikadzi yangu.

“Crispen akaenda kuvakuru vangu vebasa nenyaya iyi, Privillage ndokuti anoda kuripwa,” anodaro Mukwirimba.

Privillage Zhou

Anoti Crispen akazopedzisira ave kuti anofanirwa kumupa mari nekuda kwenyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika gore rakapera, Crispen akaenda nayo kuvakuru vezvedzidzo muHarare.

“Takashevedzwa tikabvumirana kuti nyaya iyi igadziriswe. Crispen akatosaina gwaro rinoratidza kuti aisazoenderera mberi nenyaya yacho.

“Akazoti ava kuda US$500 semuripo wekutumira pikicha yangu ndiri musvo kumudzimai wake, ini ndikaramba kubhadhara. Saka zvava kuita sekuti akatoita izvi aine chinangwa chekunditorera mari,” anodaro Mukwirimba.

Ari kunzi ishamwarikadzi yaMukwirimba mudzidzisi weGrade 7 pachikoro chimwe chete ichi anonzi Otilia Nyakabawu.

Otilia Nyakabau

Crispen anoti Mukwirimba anoda kuparadza imba yake.

“Mukwirimba munyengeri. Akaparadza muchato wemumwe mudzidzisi uye anoda kuitawo saizvozvo kune wangu.

“Ndinotenda mudzimai wangu nekumufumura kwaakaita, nyaya iyi ndakaisvitsa kuvakuru vake.

“Akadanana nemukadzi aidzidzira basa rehurairidzi muchato wake ukaparara,” anodaro Crispen.

Privillage anotsinhira nyaya iyi achiti: “Ndine zvakawanda zvekutaura nezvaMukwirimba

“Ndiri panguva yakaoma kumba zvose nekubasa.

“Mukwirimba ndishefu wangu, Crispen murume wangu, saka ndiko kupisa kwacho kwanyanya.”

Otilia anotsinhirawo nyaya yekuti ari kudanana naMukwirimba ndokuti Crispen akamutumira mifananidzo yaMukwirimba ari musvo senzira yekuda kuvafumura.

“Handina chokwadi chekuti Mukwirimba ane mukadzi here kana kuti kwete, kunyangwe zvazvo achiita seakaroora. Unongozivawo kuti haungabvunzisise mukuru wako webasa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links