Hembe dzobvira moto dzakapfekwa

07 Jun, 2022 - 18:06 0 Views
Hembe dzobvira moto dzakapfekwa Gasbar Chikukwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

DAMBUDZIKO remhuri yekwaChikukwa inogara mubhuku raNemasasi, kwaMambo Marange kuBocha kwaMutare, iyo inoona mazai anenge akanyorwa mazita avo uye akabairirwa tsono, riri kufambira mberi sezvo kuine mwana ave kubatira moto mbatya dzaakapfeka dzichibvira zvekuita dota asi iye asingatsve.

Mhuri ina dzekwaChikukwa ndidzo dzakatarisana nemanenji aya, ayo anosanganisira kurumwa nekuswinywa nezvinhu zvavasingaone, kudirwa mavhu nehupfu kumeso, kumwaiwa rufuse rwemoto mumusoro nekurohwa mazimbama.

Pamusha apa panoonekwa mazai akanyorwa mazita evanhu vepo uyewo vana vanoteverwa nezvivanhu zvipfupi zvinotaura navo nekuona yavanoti injuzu kana vakangosvika kutsime nepavanodarika nzizi dzine mvura.

Pamusoro pezvo, vemhuri idzi vanotemwa nematombo anobva mumhepo.

Mhuri dzakatarisana nedambudziko iri dzinoti yaGasbar Chikukwa, Webster Chikukwa, Admire Chikukwa naEphraim Chikukwa.

VaCasbar Chikukwa (42) vanoti dambudziko iri rakatanga makore maviri akadarika apo vana vakatanga kuona mazai mumigwagwa nepazvivanze, ndokuzotangawo kupotserwa nematombo achivatema.

 

“Matombo anongokandwa pachivanze nepamusoro pedzimba tichitemwa nekudirwa hupfu nemavhu kumeso, uku tichirohwa nembama, kuswinywa nekurumwa.

“Ukuwo tine mwana wamukoma Webster anobatira moto hembe dzaakapfeka nekukandwa mavhunze emoto. Tinodirwawo rufuse uye vana vanoona zvivarume zvipfupi nenjuzu vachitaura nadzo,” vanodaro VaCasbar Chikukwa.

Vana mumhuri idzi havachaenda kuchikoro sezvo vachitemwa nematombo anobva mumhepo apo vanenge vari pakati pekudzidza.

Wellington Chikukwa (20) anotsinhira kuti mbatya dzake dzapera kutsva nemoto unobatira woga akadzipfeka pamuviri asi iye asingatsve.

Wellington Chikukwa

“Ndava kutadza kufamba kune vamwe nekutya kuti mbatya dzangu dzinotsva ndiri parwendo, hamheno kuti tichabatsirwa sei,” anodaro Wellington.

Anoti hupfu hunotorwa huchimwaiwa mumba nepanze nezvinhu zvavasingaone saka vava kupota vachihuviga muzumbu kuti zvinhu izvi zvisatore.

Mai Georgina Mugova Chikukwa (42) vanova mudzimai waVaGasbar Chikukwa vanoti nyaya yava kunyanya kutyisa ndeyemwana anobatira moto mbatya dzaakapfeka dzichipera kutsva zvekuita dota asi iye asingatsve.

“Mwana anotsvirwa nembatya uyu haasisina hembe izvozvi. Ini ndakarohwa nedombo rakabva mudenga rikanditema panhova apo pari kurwadza izvozvi. Munhu wose ari kutemwa.

“Tinombotiza kuenda musango kana mumunda kunorara nekunohwanda mudanga matombo aya achititevera kwese ikoko.

Kumba kwababamukuru Webster Chikukwa maasbestos akapera kupwanyika nematombo anopotserwa uyewo vaimboburutswa pamubhedha vorariswa pasi muimba yavo yekurara vose nemudzimai.

“Izvozvi vakatotama vava kugara kwaMutare,” vanodaro Mai Mugova Chikukwa.

Mai Georgina Mugova

Vanoti vana havagute chikafu sezvo vachinzi vanoona zvivanhu zvipfupi zvavanodya nazvo zvichinokora masovanzombe emisova yesadza.

“Izvozvi tinorara takaungana muimba yekubikira munokwanisa kurara mhuri ina dzose idzi dzevanhu vanodarika 20.

“Pekutanga, mazai akaonekwa akanyorwa nepenzura mazita anababa anosanganisira raGasbar Chikukwa, Admire Chikukwa, Ephraim Chikukwa naWebster Chikukwa. Takafamba tichitsvaga anotibatsira mazai aya akatorwa akanorasirwa mugomba umo akapiswa. Ndiko kwatava kugara tichiapisira,” vanodaro Mai Mugova Chikukwa.

Midziyo yakapwanyiwa

Vanoti mushure mezvo, mamwe mazai akazowanikwa munzvimbo dzakasiyana akanyorwa mazita evana vavo vanosanganisira Munashe Chikukwa, Grace Chikukwa, Talent Chikukwa, Wellington Chikukwa, Washington Chikukwa, Clayton Chikukwa, Caithy Chikukwa, Colletta Chikukwa, Rachel Chikukwa, Prince Chikukwa, Primrose Chikukwa, Loveday Chikukwa naPolite Chikukwa.

Mai Mugova Chikukwa vanoti nemamiriro akaita zvinhu aya, vabereki vavo vava kuti vadzoke kumusha izvo vanoona zvakaoma kuti vasiye mhuri yavo mumatambudziko akadai.

Mai Violet Binze (27) vanova mudzimai waVaAdmire Chikukwa (34) vanotiwo kune vana vari kubatwa nemweya wengozi yasekuru vavo neyemumwe munhu anonzi akapondwa nehama yavo vachiita zvechikorokoza.

 

“Hatichaziva nekuti tine vana vari kubatwa nemweya wengozi muno mumusha, vatezvara vedu vari kubudawo vachiti vakafa nekuisirwa muchetura muchikafu uyewo vachibva vazodhonzwa sikarudzi yavo.

“Kune hama yedu inonzi yakaurayawo mukorokoza vakamubvisa nhengo dzakavandika, saka hatichaziva kunobva nyaya dzacho,” vanodaro Mai Binze.

Vanoti vana havachakwanisa kuenda kuchikoro nekutemwa nematombo nekusanganawo nezvivanhu zvipfupi nemadzimai anonzi ane vhudzi refu.

“Vana vakangodarika pane mvura vose vanobatwa nemweya votanga kutaura nechirudzi chisinganzwisisike. Vana ava vanoti vakaona mumwe mukadzi akati vasarudze zvavanoda kupinda murwizi kana kugara zvavo kunze uye vakanzi vaidei pakudya honye, mupunga nehove.

“Ivo vanoti vakasarudza hove, vakanzi vachienda vachinzi vaizoshevedzwa. Saka tava kutyira vana kuti vanotorwa nenjuzu,” vanodaro Mai Binze.

VaWebster Chikukwa (45) vanoti vapedza kutengesa zvipfuyo nemidziyo vachibhadhara vanhu vari kuvabatsira padambudziko iri.

VaWebster Chikukwa

“Dambudziko iri rakatanga pakafa baba vedu, VaElisha Chikukwa (84), mugore ra2018. Imba yavaigara yehozi inofumawo yakavhurika asi yamborara yakakiiwa.

“Baba vanonzi vakafa nekuisirwa muchetura nehama yavo uyewo nekudhonzwa sikarudzi. Ini ndakatotama musha, saka tinotsvagawo rubatsiro,” vanodaro VaWebster Chikukwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tapererwa, chekudya hatisisina uyewo vana havachaenda kuchikoro. Tinokumbira vemweya vanogona vatibatsirewo,” vanodaro.

Vamwe vabereki vemumhuri iyi vakasiya vana voga vachienda kunotsvaga rubatsiro kunzvimbo dzakasiyana. Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0771 165 052, 0776 581 634, 0778 207 131, 0774 304 337 ne0776 582 515.

Share This:

Sponsored Links