Herinoi barika rekwaObama

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VARI parumananzombe rwebarika vangacheme zvavo, asi chokwadi ndechokuti barika riri kwese kwese, uyewo hazvina ganda, hazvina zera.

Mutungamiri weUnited States of America, VaBarack Obama, svondo rino vari kushanyira nyika yeKenya kunove ndiko kwakazvarwa baba vavo, VaBarack Hussein Obama. Kunyange zvazvo President Obama vakatanga kutonga mugore ra2008, pane zvinongoitika wonzwa kuti regai ndinyatsoziva iyeyu munhu anonzi Barack Hussein Obama. Chinangwa chaive chokuti ndione kuti ndezvipi zviri mukuzvarwa nokukura kwavo zvinotusva hutungamiri hwavo.

Ndakasangana nohungwanda-ngwanda hwezvinhu zvandakatadza kuziva kuti dai uri iwe waizvibatanidza sei. Kwete zvamatongerwo enyika, asi zvemhuri chete chete.

President Obama vakazvarwa muna Nyamavhuvhu 1961 kuAmerica sezvo amai vavo, Dr Stanley Ann Dunham, vechichena vakange varoorwa nababa vavo vaive kuAmerica kuchikoro. President Obama vakapihwa zita rababa vavo Barack, uyewo rasekuru, baba vababa, Hussein.

Zvakandishamisa kuti sei amai vavo vainyanyodaidzwa kuti Stanley, rinove zita rinoshandiswa navanhurume. Vachiroorana kudaro nokuve nemwana ave mutungamiri weAmerica, VaObama vakuru vakange vasiya mudzimai aive napamuviri nemwana mukomana kumusha kwavo kuKenya.

Amai nababa vaPresident Obama vakarambana mugore ra1964, amai vavo vakaroorwa zvakare muna 1965 naVaLolo Soetoro, chizvarwa chezvitsuwa zveIndonesia. Vakanozvara mwanasikana ave amai Maya Soetoro-Ng. President Obama vakakura vachichengetwa naamai naambuya vavo kuIndonesia nokuAmerica.

Ukuwo baba vavo vakange vave kufunda paHarvard University vakaroora zvakare mumwe mudzimai wechichena, wechitendero chechiJudha – Ruth Beatrice Baker. Asi vakarambana zvakare naRuth Baker mushure mokuita vanakomana vaviri vakazokudzwa nomurume wokuTanzania Ndesandjo waakaroorwa naye.

Asi vana ava vakanoshandisa zita raNdesandjo uyewo Ruth Baker akazvara mumwe mwanakomana naNdesandjo.

Vadzokera kumusha kwavo kuKenya, VaObama vakadzokerana nemudzimai wavo mukuru, Kezia Aoko. Vasati vashaya netsaona yemumugwagwa muna 1982, vakange varoora zvakare mumwe mudzimai wechina ainzi Jael Otieno.

Zvoreva kuti President Obama vanobva mumhuri yebarika rakakura uyewo barika rine madzikoma, vanin’ina nehanzvadzi dzinosanganisira vanhu vatema, vachena navaya vatinoti makaradhi nokuti vabereki ndevemarudzi akasiyana-siyana.

Amaiguru Kezia vakazvara nevanji wavaObama – Malik Abong (1958), kuchitevera musikana Auma (1960), kwouya President Obama (1961).

Amainini Ruth Baker, mudzimai wetatu wababa vaPresident Obama akazvarawo vanakomana vaviri – Mark Okoth Obama Ndesandjo (1965) naDavid Obama Ndesandjo vakazorambana muna 1971.

Amaiguru Kezia vakazozvarawo Abo (1968) naBernard (1970).

Mudzimai wechina Jael Otinyo akazvara gotwe George Obama muna 1982 gore rashaika VaObama vakuru. Zvoreva kuti mumhuri maPresident Obama vakazvarwa vari vakomana vanomwe, nemusikana mumwe chete, vese ava vachibva kumadzimai mana.

Saka dzimwe nguva regai kushamisika. Tinobva makasiyana-siyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey