HIV neCovid-19

18 May, 2021 - 16:05 0 Views
HIV neCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vanorarama neutachiona hweHIV – zvikuru avo vane masoja mashoma ekurwisa zvirwere mumuviri (low CD4 count) neavo vasiri kutora mishonga yavo yemaARV – vari kukurudzirwa kuti vapangwe mazano namachiremba avo pamusoro pekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akabuda pachirongwa chakaitwa svondo rapera nesangano reNational AIDS Council panhaurwa yemibvunzo mikuru iri kunyanya kushungurudza vanhu maererano nechirwere cheCovid-19 apo nyanzvi dzezveutano dzaipindura mibvunzo kubva kuvatori venhau.

Dr Leslie Bidi, vanova technician specialist quality of care kusangano rePopulation Service International (PSI), vanoti pane masoja anorwisa zvirwere mumuviri (CD4 white bloods cells) nekudaro kana muviri usina utano hwakanaka, mukana wekubatwa nematenda akaita seCovid-19 unokura uye murwere anogona kukundikana kunaya nenguva.

“Vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV vanofanira kutanga vapihwa chiyedza nemachiremba avo vasati vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19. Tinokurudzira kuti vanhu vane HIV vabaiwe majekiseni aya sezvo vari vamwe vari panyatwa yekutapurirwa chirwere cheCovid-19 vachizokurirwa nacho zvichitevera kuderera kwemasoja mumuviri,” vanodaro.

Dr Bidi vanoti kune vamwe vanhu zvekare vanogona kudzikira masoja emuviri nekuda kwezvimwe zvirwere, nokudaro vanofanira kuita zvimwe chetezvo zvekutanga vaona vanachiremba vavo kuti vazoudzwa nguva kwayo yekuti vange vachibaiwa.

“Vanhu vazhinji vari muZimbabwe vanokwanisa kubaiwa majekiseni iwaya ekudzivirira Covid-19 zvisinei nekuti kune vashomanana vasingakwanise. Sekuti kana mukatarisa zvakaitika pakutanga kwechirongwa chekubaiwa kwemajekiseni ekudzivirirwa Covid-19, vashandi vepamberi avo vanonyanya kusangana nevanhu ndivo vakatanga kubaiwa uye muchikamu chepiri pachibaiwa vanhu vari panyatwa sevakwegura nevane zvirwere zvinoda mishonga kwenguva refu sevane BP, shuga, HIV nezvimwe vari kudzivirirwawo zvekare. Takaona kuti vanhu vakawanda vane makore 18 zvichikwira vanokwanisa kudzivirirwa,” vanodaro.

Dr Bidi vanoti vashoma vanogona kukundikana kubaiwa majekiseni aya vanosanganisira vane mishonga yavasingawirirane nayo (allergies).
Dr Takuda Sola, vanova regional program manager kuPSI, vanokurudzira vanhu vane utachiona hweHIV pamwe nevakaremara kuti varambe vachitora mishonga yavo kuitira kuti masoja avo emuviri asaderera sezvo zvichibatsira zvekare mukurwisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links