Uncategorized

HIV: Vanhu musavharwe

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE imwe yenyika dzemuAfrica nepasi rose dziri pamusoro panyaya yekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV neAIDS.

Zvakatora kushanda nesimba uye mushandirapamwe weHurumende nemapoka akasiyana kuti nyika ino inge ichibudirira mukurwisa kupararira kweHIV. Nechido chekuda kurwisa kupararira kweHIV neAIDS, ndokusaka Hurumende yeZimbabwe, kusiyana nedzimwe nyika, iri imwe yenyika shoma dzine homwe yakananga kurwisa HIV neAIDS – homwe yeAIDS Levy.

Nekudaro budiriro iyi inofanira kuchengetedzwa kwete kuti ikanganiswe nenzira dzisina maturo sekufambisa mashoko emanyepo.

Zvimwe zvinokwanisa kudzosera shure budiriro iyi maitiro evamwe vanhu, vangava n’anga, maporofita kana mafundisi, avo vanogona kukurudzira vari kurarama neHIV neAIDS kuti varege kutora mishonga yavo yemaARV vachivati ivo vanovaponesa nemiti kana miteuro yavo.

Tinodaro nekuti kune mamwe maporofita kana mafundisi vari kukurudzira kuti vanhu vari kurarama neHIV neAIDS varege kutora mishonga yavo yemaARV vachiti vanopona nekuvanamatira, zvinova zvisiri izvo. Hakuna nhema dzinodarika idzodzo!

Kana n’anga dziriko zvakare dzinokurudzira vanhu kuti vasanwe maARV asi kuti mishonga yemakwenzi yavanenge vavapa inovabatsira zvinove zvisingatenderwe zvakare.

Svondo rapera, mutungamiriri wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries (PHD) Prophet Walter Magaya akakonzeresa mitauro mushure mekunge audza vatendi vake nevamwe vanhu vaive vakaungana kuchechi yake muHarare kuti akawana mushonga unorapa HIV neAIDS.

Prophet Magaya akazokumbira ruregerero kunyika yose achiti akange amhanya kushambadza mushonga wake pasati paitwa ongororo inofanirwa kuitwa kumishonga yakadai maringe nemutemo wenyika. Zviri pachena kuti maitiro akadai ane njodzi huru yekudzosera shure budiriro yaitwa neZimbabwe mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS.

Vatungamiriri vemachechi kazhinji zvavanotaura zvinogamuchirwa nevatendi vavo zvichireva kuti kana vakaudza vanhu kuti vavanamatira saka nekudaro ngavachirega kutora mishonga yavo yemaARV, kune vamwe vanogona kuita sekudaro.

Sangano reNational AIDS Council (NAC) rinoti harina ruzivo rwekuti kune ongororo yakaitwa muZimbabwe kana pasi rose inoratidza kuti pari zvino kune mushonga unorapa HIV kana AIDS.

Zvichireva kuti vari kurarama neutachiona hweHIV vanofanira kuramba vachitora mishonga yavo iyo yavanokurudzirwa kuti vanwe nevanoona nezveutano.

NAC inoti zvakare maARV haafanirwe kutorwa pamwe chete nemimwe mishonga yakangosiyana, kusanganisira yemakwenzi, sezvo izvi zvichiita kuti pave nematambudziko.

Kana maARV akatorwa achisanganiswa nemimwe mishonga, muviri wemunhu unonzi hauzodaviri kumaARV izvo zvine njodzi kuupenyu hwemunhu.

Veruzhinji musavharwe nenhema!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey