Hoche-koche yeCovid-19, HIV

06 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Hoche-koche yeCovid-19, HIV Dr Mangwiro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti vatori venhau vakakosha mukufambisa mashoko ezvokwadi ane hudzamu kune veruzhinji ari maringe nenyaya dzeutano – zvikuru sei mukurwisa HIV neAIDS uye chirwere cheCovid-19 sezvo paine hoche-koche pakati pezvirwere zviviri izvi.

Vakataura mashoko aya pamusangano wakaitwa nesangano reNational AIDS Council (NAC) nevatori venhau vemapoka akasiyana kuChinhoyi svondo rapera.

“Tiri kuramba tichikurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye pari zvino takavandudza chirongwa ichi kuti chisanganisire vana vane makore 16 okuberekwa zvichikwira. Chirwere cheCovid-19 hachisati chaonekedzana nesu ndokusaka tiri kuramba tichitora matanho aya. Ibasa revatori venhau kukusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji avo vava kuratidza kuvarairwa. Vabereki ngavakurudzire vana vavo kubaiwa nhomba. Mamasiki ngaapfekwe mazuva ose, maoko ngaagezwe mazuva ose uye vanhu ngavaregedze nyaya dzekuungana. Kunyangwe vanhu vane zvirwere zvisina zviratidzo zvakadai seBp, shuga kana uye HIV vanofanira kudzivirirwa kuburikidza nekubaiwa nhomba yeCovid-19 nekuti vari panyatwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti kuti Zimbabwe ikwanise kubaya nhomba chikamu che60 kusvika 70 percent chevanhu vose vari munyika nechinangwa chekuti pave nekudziviririka kubva kudenda iri, zvinoda mushandirapamwe wevatori venhau nebazi rezveutano kuti veruzhinji vazive nezvekukosha kwekubaiwa majekiseni aya.

“Pari zvino nyika yasvika pachikamu che38 percent chevanhu vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19, kureva kuti tichiri kure kuzadzikisa chikamu chinodiwa kuti tinyatsoti munhu wese adzivirirwa kunyatwa yedenda iri. Saka matanho ese akatarwa nebazi rezveutano pamwe nesangano reWorld Health Organisation (WHO) anofanira kutevedzwa nemazvo,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti izvi zvimwe chete neHIV, sezvo inodawo dziviriro apo vanhu vanofanira kupfeka makondomu pese pavanoita bonde nemunhu wavanenge vasiri kuziva paamire uye kuvhenekwa HIV.

“Kana munhu akambomira kutora mishonga yake – ingava yeBp, shuga kana HIV – muviri wake unenge wava kunenekedzwa kuzvirwere saka anorwara zvakanyanya kana kutorasikirwa nehupenyu nekuti dziviriro panenge pasisina. Nyika haingabudiriri kana iine vanhu vanorwara nekuti muzvipatara munobva mawanda varwere, moshandiswa mari yakawanda yehomwe yeutano uye vashandi vanorwara vanogara vachirovha mabasa. Dziviriro yakakosha saka kune vari kurwara torai mishonga yenyu pasina tsvete,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti vanofara zvikuru nebudiriro iripo mukurwisa HIV nechirwere cheCovid-19, vachiti zvinoratidza mabasa makukutu ari kuitwa nevatori venhau mukuwanisa veruzhinji ruzivo rwakakosha.

Mukushi mukuru wemashoko kuNAC, Mai Medelina Dube, vanoti vatori venhau vanofanira kuita basa ravo zvine hunyanzvi vachibuditsa nyaya dzechokwadi uye dzine hudzamu.

Share This:

Sponsored Links