Hoche koche yeHIV nePrEP

22 Jul, 2021 - 15:07 0 Views
Hoche koche yeHIV nePrEP

Kwayedza

Vadiwa Tete
Ndiri mukadzi ane makore 33 ekuberekwa uye ndakaroorwa. Ndinotya kubatira hutachiona hweHIV nekuti ndakamborapwa zvirwere zvepabonde kaviri uye ndinofungidzira kuti murume wangu ane vanhukadzi vakawanda vaanodanana navo achirara navo. Ndakambotaura naye kuti tishandise dziviriro (makondomu) asi murume wangu akaramba achiti haangamashandise pamudzimai waakabvisira roora.
Nguva pfupi yadarika ndakakwira bhazi nemamwe madzimai maviri.

Madzimai aya aitaura nezvechimwe chinhu chinonzi PrEP chinodzivirira vanhu kubva mukubatira hutachiona hweHIV. Vairatidza kufarira chinhu ichi asi handina kukwanisa kubvunza zvakawanda pamusoro pechinhu ichi. Ndokumbirawo kuti mundijekesere panyaya yePrEP.

Ndini wenyu
Patience

*****
Wadiwa Patience

Maita basa nekutinyorera. Vanhu vari muwanano vanofanira kugara vaine hushamwari uye vachitaurirana zvinhu zvese. Zvisinei, kazhinji vanhu havataure nezvepabonde uye zvine njodzi yekuti vari vaviri vanopedzisira mumwe wavo kana kuti vese vave kuita shamwari dzepabonde kunze.
Taona kuti manga musingakwanise kutaura nyaya yezvirwere zvinoparadzirwa pabonde nemurume wenyu. Munoramba muri patsaona yekubatira zvirwere zvepabonde zvakare. Murume wenyu anoratidza kuti haana hany’a nekushandisa dziviriro (makondomu) nemi uye nemamwe madzimai aari kusangana nawo zvinova zvinokuisa panjodzi yekubatira hutachiona hweHIV.

Madzimai amakasangana nawo mubhazi vakagadzirira uye vane ruzivo rwakakwana maererano nezvehutano hwepabonde. Izvi zvinokurudzirwa. Ndinokukurudzirai nemurume wenyu kuti mutsvage rubatsiro rweruzivo uye moongororwa hutachiona hweHIV. Mumwe wenyu anogona aine hutachiona uhu asina zviratidzo naizvozvo kuzvipedza kuenda kunoongororwa moziva pamumire. Kana mukawanikwa musina hutachiona, munofanira kutanga kushandisa Pre-Exposure Prophylaxis (PrEP).
Pre-Exposure Prophylaxis (PrEP) mushonga unotorwa kudzivirira kubatira hutachiona hweHIV. PrEP inoshanda zvakanyanya mukudzivirira hutachiona hweHIV kana munhu akanwa sezvakatarwa.
Kana ikatorwa nguva nenguva zvinofungidzirwa kuti PrEP inoderedza mukana wekubatira hutachiona hweHIV nechikamu che92 percent.

Sezvo PrEP ichingoshanda kudzivirira kubatira hutachiona hweHIV, zvakakosha kushandisa makondomu kuitira kudzivirira zvirwere zvepabonde.

Kana munhu akasangana neane hutachiona hweHIV, PrEP inomisa hutachiona kuti husagara kana kupararira mumuviri menyu. Kugara kwemushonga uyu mumuviri kunobatsira munhu ane mukana wekubatira hutachiona kuti asabatira HIV.

PrEP inowanzotorwa zuva nezuva. Zvinofungidzirwa kuti PrEP inotanga kudzivirira hutachiona mukati memazuva 7 kusvika 20 mushure mekunge munhu atanga kunwa. Kushandisa PrEP kunoda kuti urambe uchiongororwa namazvikokota vezvehutano nguva nenguva.

PrEP haina kugadzirirwa vanhu vagara vaine hutachiona hweHIV nechekare.
Garai maziva kuti PrEP ndeimwe yemishonga inobatsira munyaya dzekudzivirira kubata hutachiona hweHIV.

Zvinokurudzirwa kuti vanhu vasanganise nedzimwe nzira dzekuderedza kupararira kwehutachiona zvakafanana nekuita bonde rakadzivirirwa.
Tinokukurudzirai kuti muende pachipatara chiri pedyo nemi muzive zvakawanda nezvePrEP neHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>