Hokoyo nechirwere chemalaria . . .  vanhu 39 vatofa

12 Mar, 2023 - 21:03 0 Views
Hokoyo nechirwere chemalaria . . .  vanhu 39 vatofa Manicaland neMashonaland Central ndiwo matunhu ane vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere chemalaria.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIRWERE chemalaria chauraya vanhu makumi matatu nevapfumbamwe munyika yose kubva kutanga kwegore rino, gwaro rebazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoratidza.

Ongororo yakaitwa nebazi iri inoratidza kuti vanhu vanosvika 17 623 vakabatwa nechirwere ichi munyika yose, 299 vavo vari vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa.

Manicaland neMashonaland Central ndiwo matunhu ane vanhu vakawanda vari kubatwa nemalaria.

“Huwandu hwechirwere chemalaria hwawedzera kuenda pa17 623 kubva kutanga kwa2023 uye 39 vafa. Matunhu ane vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi iManicaland neMashonaland,” rinodaro gwaro rakaburitswa nebazi iri.

Bazi iri rinoti kufiritwa kwemudzimba mumatunhu (districts) makumi maviri nemana munyika yose kwakatopera senzira yekuedza kupedza chirwere ichi.

Vanhu vakawanda vanobatwa nemalaria pakati paGumiguru naKubvumbi.

Bazi iri rinokurudzira veruzhinji vanogara pedyo nenzvimbo dzinojenga mvura kuti vagadzire migero kuitira kuti ifambe sezvo izvi zvichibatsira kuderedza humhutu hunokonzera chirwere ichi.

Veruzhinji vanokurudzirwawo kuti vaende kunoongororwa nekurapwa mukati memaawa makumi maviri nemana kana vaine zviratidzo zvemalaria.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey