Hokoyo nemishonga: Zinatha

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Hokoyo nemishonga: Zinatha VaGeorge Kandiyero

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti madzimai maviri ekuBulawayo, avo vakafamba vari musvo pamwe nevana vavo mushure mekunge vapihwa mushonga wekugeza nen’anga apo vaifungira kuti tezvara wavo ari kuvashandisira mubobobo vanogona kunge vakakanganisa mhiko dzemushonga uyu.

“N’anga padzinopa mishonga dzinopa nemhiko dzekutevedza. Dzimwe nguva madzimai aya pane zvavakavhiringa mishonga iyi ndokubva yatadza kushanda zvayaifanirwa kuita,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzemishonga yechivanhu dzinoda kuchenjererwa sezvo mamwe machiremba anokwanisa kupa vanhu mishonga isiriyo, yozovapandukira.

“Kazhinji mishonga ine chekuita neropa revanhu kana kuti inosanganiswa nevhu rekumakuva inopanduka nekuti ivhu rekumakuva rakangofanana nekuti munenge matora vanhu kupinza mudzimba dzenyu, mweya yevafi ava yozomuka yorwisana nemi,” vanodaro.

VaKandiyero vanoti dzimwe nguva kana chiri chokwadi kuti tezvara ava vakaromba, mishonga yakapihwa varoora ava nen’anga inogona kunge yakakurira neyatezvara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey