Uncategorized

Hokoyo nenyama iyo: Vet

12 Mar, 2020 - 15:03 0 Views
Hokoyo nenyama iyo: Vet

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Chikamu chinoona nezvekurapwa kwemhuka, cheDepartment of Livestock and Veterinary Services, chiri kukurudzira veruzhinji kuti vadye kana kutenga nyama yakavhenekwa kwete yavasina idi nayo seiri kutengeswa iri mumabhuti edzimota kana mumigomo.

Nyama yemombe dzinofa dzega inonzi inorwarisa kana kutouraya vanhu.

VeVet vanoti nyama inofanirwa kutanga yavhenekwa nenyanzvi muma”abbattoir” akanyoreswa zviri pamutemo isati yatengeserwa veruzhinji.

Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera padandemutande sepaWhatsApp anoti kune vanhu vari kutengesa nyama yemombe dziri kufa nezvirwere zvakasiyana-siyana.

Dr Josphat Nyika, avo vanova chief director kuVet, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasangotenga nyama dzose-dzose uye dzavasina idi nadzo.

“Zvichitevera kufa kuri kuita mombe munyika, tiri kuyambira vanhu kuti vatenge nyama yakavhenekwa nenyanzvi dzedu dzeVet iyo inotanga kutariswa kubva kunotengwa mombe idzi kunosvika kwadzinourairwa. Tinokurudzira veruzhinji kuti vatenge nyama mumabhucha nezvitoro zvinozivikanwa.

“Kune imwe nyama iri kutengeserwa mumabhaketi nemumabhuti edzimotokari nemumikoto, siyanai nayo nyama iyoyi. Munozvitsvagira zvirwere,” vanodaro Dr Nyika.

Dr Nyika

Dambudziko rekufa kwemombe rinonzi ratekeshera kuMhondoro nekune mamwe matunhu.

Dr Nyika vanoti nyaya yekuti nyama yemombe idzi iri kudyiwa nevanhu inogona kunge iriko, asi kwete semataurirwo azviri kuitwa padandemutande.

“Mashoko ekunzi nyama iyi iri kudyiwa ari kuwedzerwa nezviri kufambiswa pasocial media. Hongu, nhubu dziriko dzekuti isu tichiita basa redu ivo vanonzvenga votengesa nyama yemombe dzakafa dzoga idzi.

“Asi tinoti injodzi huru kune vanhu vanotenga nyama iyi vachiziva nekuti vanozorwara nayo. Tsvakurudzo yatakaita inorakidza kuti vashandi vedu vari kuita basa kubva pakutengeswa kunoitwa mombe kunosvika kumaabbattoirs uko dzinouraiwa dzichivhenekwa,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti rava basa remunhu wose kuzivisa mapurisa nezvevanhu vari kutengesa nyama yemombe dzinenge dzafa dzoga kana dzinourairwa pasi pemiti.

“Nyama yemombe dzose, kana yedzimwewo mhuka ngaivhenekwe unova mutemo wenyika ino. Dambudziko rekufa kwemombe iri chirwere chiya chatinoti January disease icho chinotanga panonaya mvura, ndicho chapedza mombe.

“Chinonyanya kuvamba mumwedzi waZvita kusvika Kurume.”

Dr Nyika vari kukurudzira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo, kudzifirita nekudzibaya majekiseni ekudzivirira zvirwere.

“Tine chimwe chirwere chinonzi Animal TB icho chinobata mombe chichizoita kuti kana vanhu vakadya nyama yezvipfuyo kana mombe dzinacho, vanochibatira votangawo kukosora nekuwondoroka uye chinouraya zvakare,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vari kushanda zvakasimba – zvikuru neveDepartment of Livestock and Veterinary Services — mukurwisa kutengeswa kwenyaya dzemombe dzinenge dzafa nezvirwere.

“Pasi pemutemo wenyika, nyama haibvumidzwe kutengeswa mumigwagwa kana mumikoto nemumigomo kana mumabhuti edzimotokari. Anenge aona zvakadai zvichiitwa ngaazivise mapurisa vari pedyo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links