Hokoyo ukasunungukira kumba!

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Hokoyo ukasunungukira kumba!

Kwayedza

cathrineHAKUNA mwana anofanirwa kuberekwa aine utachiona hweHIV munyika muno. Izvi zvinogoneka kana amai vakazvitakura kana vasati vazvitakura vakaongororwa ropa kuti vane utachiona hweHIV here kana kuti kwete.

Amai vakawanikwa vaine utachiona hweHIV vanoiswa pamaARV emhando yepamusoro chirongwa ichi chinozivikanwa kuti Option B+. Vanotanga kunwa maARV ipapo uye havacharegi, vanonwa kwehupenyu hwose.

Zvava nyore kusununguka mwana asina utachiona hweHIV kunyangwe amai vainayo nekuda kwechirongwa chinodzivirira kutapukira kweutachiona kuenda kumwana ari mudumbu pakuzvarwa kana pakuyamwiswa ichochi chinonzi pachirungu PMTCT (Prevention from Mother to Child Transmission).

Kuburikidza nechirongwa ichi, gore rino chikamu chinoita 5% zvichidzika chevana vachiri kuzvarwa ndivo vakatarwa kuti vangawane utachiona hweHIV kubva kuna amai. Kunyika dzakabudirira vakakwanisa kusvika pachinhanho ichochi kare vava kushandira kukunda zvachose.

Bazi rezveutano nekurerwa zvakanaka kwevana, rakabatana nevakotsveri vePMTCT veElizabeth Glasier Paediatric Aids Foundation (EGPAF), vaita kuti zvive nyore kuti madzimai ose akazvitakura ane utachiona hweHIV vakwanise kupinda pachirongwa cheOption B+.

Kumadzimai kuenda kunonyoresa kukiriniki kusikero ndiyo nzira chete inokwanisa kudzivirira mwana wamunenge makatakura kuti asatapurire utachiona hweHIV kubva kwamuri.

Kuchine madzimai anosunungukira kudzimba vasina kumboongororwa utachiona hweHIV. Iri richitori dambudziko guru munyika ino.

Madzishe nemasadunhu ekuGokwe vave kunzwisisa kukosha kwekuenda kusikero naizvozvo vanoti amai vasunungukira kumba vanoripiswa mari inoita $25 namambo kana kuri kwasadunhu $5 kana mbudzi mbiri.

Mugore ra2012 madzimai anokwana gumi akasunungukira kumba kuSasame asi zvichitevera kuripiswa uku, mugore ra2014 madzimai matatu ndiwo akasunungukira kumba. Mambo Nemangwe vanoti kuripiswa uku kwakabatsira nekuti madzimai haachafa achiberekera kumba kana kubereka vana vane utachiona hweHIV nekuti vanenge vaenda kusikero.

“Kuberekera kumba kune njodzi naizvozvo muripo wacho wakakura kudarika kuenda kusikero. Tava kuona kuti kubvira patakaisa zvirango izvi madzimai mazhinji ava kuenda kukiriniki,” vakadaro Mambo Nemangwe.

Zvakadaro nyika yeCuba ndiyo yekutanga yakunda pakuti amai vabereke mwana asina utachiona hweHIV kunyangwe ivo vainahwo. Izvi zvakaziviswa nesangano reWorld Health Organisation (WHO).

“Ichi ndicho chimwe chezvinhanho zvatiri kupembedza munhau dzehutano,” WHO Director General, Margaret Chan, vakazivisa.

“Izvi zvakakwanisika nekuti amai vaiwanikwa vaine utachiona hweHIV kana chirwere chepabonde vaibva vawana rubatsiro nekukasika. Zvakagonekwa nekuti mudzimai wose akazvitakura akazvipira kuongororwa ropa munyika iyi,” vakadaro Dr Chan.

Munyika ino mudzimai akazvitakura anokuridzirwa kuongororwa ropa asi haamanikidzwe nemutemo wenyika. Vamwe vangati madzishe ekuGokwe ava kutyora mutemo asi vari kuyedza kuchengetedza upenyu hwamai nemwana. Madzimai mazhinji anofa mukusununguka, kunyangwe muzvipatara vanofawo asi zviri nani vanenge vari pasi penyanzvi.

Remangwana remwana wenyu rinotangira kubva kumuchengetedza achiri mudumbu kusvikira ava pano panyika.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey