Homwe yeUS$5,8 miriyoni yekutsigira vana

24 May, 2023 - 19:05 0 Views
Homwe yeUS$5,8 miriyoni yekutsigira vana Ambassador Åsa Pehrson (kuruboshwe) mushure mekunyorerana chibvumirano naDr Tajudeen Oyewale VaTawanda Zimhunga (kuruboshwe) vaina Ambassador Åsa Pehrson (pakati) naDr Tajudeen Oyewale

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE, yakabatana nesangano reUNICEF, yakawaniswa rubatsiro rweUS$5,8 miriyoni nenyika yeSweden yekutsigira kuchengetedzwa kwevana nezvirongwa zvine chekuita nekusimudzira kodzero dzavo.

Mari iyi yakagashidzwa nemumiririri weSweden muZimbabwe, Ambassador Åsa Pehrson svondo rapera.

“Pasi rose, vana vanosangana nenyaya dzekumbunyikidzwa uye mhirizhonga. Zviri kuitika munyika dzose misi nenguva nekudaro vanoda kuchengetedzwa.

“Mhirizhonga dziri kuitika mudzimba nemuzvikoro izvo zvinosiya vana vachishungurudzika mundangariro nepanyama. Vana vari kushungurudzwa nenzira yebonde, kazhinji zvichiita vevanhu vehukama kana vepedyo avo vanovimbwa navo,” vanodaro Ambassador Pehrson.

Vachitaurawo pachirongwa ichi, mumiriri weUNICEF muZimbabwe, Dr Tajudeen Oyewale, vanotenda rutsigiro urwu vachiti rwuchabatsira mukusimudzira zvirongwa zvine chekuita nevana.

“Kutsigirwa kwezvirongwa zvevana kwakakosha nekuti ndivo vanobata remangwana redu. Kune vana vakaremara, vane HIV neAIDS nevanobva kumhuri dzinotambura, pakati pevamwe. Saka kuuya kwehomwe iyi yeUS$5,8 miriyoni kuchasandura raramo yavo.

“Vana vakakosha zvikuru, ndiko kusaka UNICEF ichishanda neHurumende nevamwe vatsigiri mukuona kuti zvido zvavo zvazadzikiswa,” vanodaro.

Vachitaura vakamiririra VaSimon Masanga avo vanova munyori mukuru kubazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya – VaTawanda Zimhunga, vanova Director of Social Welfare – vanoti Hurumende ichashandisa mari iyi nemazvo mukutsigira vanotambura.

“Tinofara zvakanyanya kuti Zimbabwe yakaita mabasa makukutu munyaya dzekuchengetedzwa kwevana, kunyanya mukugashirwa kwemutemo unosunga vanoroora pwere uye mukuwanisa magwaro ekuzvarwa kuvana vose vanozvarwa nekuvepo kwematare anotonga nyaya dzevana nenzira inofadza.

“Zvisinei, nyaya dzekuchengetedzwa kwevana dzinoramba dziri huru kwazvo munyika apo ongororo yakaitwa iri kuratidza kuti vana vaviri pakati pevatatu voga-voga vari kusangana neimwe yemhando dzemhirizhonga,” vanodaro.

“Ongororo yakaitwa maringe nenyaya dzekushandiswa kwevana inoratidza kuti pakati pevana gumi vari kushandiswa, mumwe chete wavo ari kushandiswa munharaunda inoisa upenyu hwake panjodzi. Mwanasikana mumwe chete pakati pegumi nevasere ari kusangana nemhirizhonga yepabonde zviri kukonzera kunyuka kwepamuviri kuvana vasati vabva zera.

“Chikamu che21 percent chevanasikana vane makore 15-18 ekuberekwa vakatoroorwa kana kuti vari kugarisana semurume nemukadzi. Hurumende iri kurwisa nyaya dzemhirizhonga pasina tsvete nekuti donzvo rayo nderekuona kuti vana vanokura vari panzvimbo dzakachengetedzeka dzisina mhirizhonga dzemhando dzose idzi.

“Kutsigirwa kwezvirongwa zvine chekuita nechengetedzo yevana kwakakosha mukurwisa matambudziko ose ayo akavakomberedza,” vanodaro VaMasanga.

Vanotenda Hurumende yeSweden nekurangarira vana vemuZimbabwe.

“Kuburikidza nehomwe yeUS$5,8 miriyoni iyi, seHurumende tichaita zvirongwa zvekurwisa kumbunyikidzwa kwevana nekushandiswa kwavo zvisina tsarukano. Kuwanisa magwaro ekuzvarwa nekusimbaradza mitemo inochengetedza kodzero dzevana,” vanodaro.

VaMasanga vanoti homwe iyi ichabatsira vana vari kunzvimbo dzinosanganisira Binga, Chiredzi, Bulilima, Buhera, Zvishavane, Mbire, Epworth, Beitbridge, Mutasa neBulawayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>