Uncategorized

Homwe yevanotambura yakamutsiridzwa

09 Jan, 2021 - 15:01 0 Views
Homwe yevanotambura yakamutsiridzwa Prof Mavima

Kwayedza

Munyori weKwayedza

HURUMENDE yakamutsiridza homwe yemari yekubatsira vanhu vanotambura yeCovid-19 Relief Fund panguva iyo nyika iri kurwisana nekupararira kwechirwere ichi pasi pechirongwa cheLevel Four (lockdown).

Matanho akatorwa neHurumende nedonzvo rekuedza kumisa kupararira kwedenda iri – ayo anosanganisira kuti veruzhinji vagare kudzimba kwemazuva 30 – anonyanya kukanganisa vanhu vanoita mabasa emawoko.

Kusvika muna Zvita gore rapera, vanhu vanotambura vanodarika 276 000 vakange vabatsirwa pasi pechirongwa ichi icho chave kumutsiridzwa zvakare.

Gurukota rebazi revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Professor Paul Mavima, vanoti chirongwa chekubatsira vanotambura ichi chiri kumutsiridzwa zvichitevera kukanganiswa kunogona kuitwa raramo yavo nekuda kwematanho matsva akatorwa ekurwisa Covid-19.

“Tinofanirwa kubatsira kuitira kuti vanhu vanotambura vawane mari yekutenga kunyangwe chibage nemafuta ekubikisa zvemhuri dzavo. Gore rapera, vanhu vanodarika 276 000 vakabatsirika nemari pasi pechirongwa ichi,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti bazi ravo richaendesa mazita evanhu vanotambura vanoda rubatsiro panguva yelockdown kubazi rezvehomwe yenyika.

Vanokurudzira vanoda rubatsiro urwu kuti vanyorere kuDepartment of Social Welfare kuitira kuti vagoongororwa kuti vanokodzera here.

Kunze kwechirongwa ichi chekubatsira vanoshaya pasi pehomwe yeCovid-19 Relief Fund, Hurumende, ichitsigirwa nemamwe mapoka ainoshanda nawo, iri kuramba ichiyamura vanotambura vari kusangana nematambudziko akakonzerwa nekusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wadarika uyewo nekunyuka kwedenda iri gore rapera.

Sangano reWorld Food Programme (WFP) riri kubatsira vanhu vemumadhorobha vanosvika 326 004 munyika yose uye pane hurongwa hwekuti huwandu hwevari kuyamurwa ava hukwire kusvika pa500 000 kana pachinge pawanikwa mari yakaringana yekufambisa chirongwa ichi.

WFP iri kutsigirwa nesangano reUSAID apowo chirongwa ichi chiri kufambiswa nePlan International.

Chirongwa chekubatsira vanotambura pari zvino chiri kuyamura vanhu 58 000 kudunhu reMidlands, 33 139 kuManicaland, 36 000 kuBulawayo, 20 125 kuMasvingo, 50 000 kuHarare, 39 000 kuMashonaland land East, 20 000 kumatunhu ekuMatabeleland ne78 740 kuMashonaland West.

Chikwata cheWFP nguva pfupi yadarika chakamema dzimwe dzenzvimbo dziri kubatsirwa vanhu kuMidlands apo 22 000 vakabatsirwa kuKwekwe, 18 000 kuGweru, 10 000 kuGokwe nevamwe 8 000 kuRedcliff.

Hurumende iri kushanda pamwe chete neWFP nePlan International pasi pechirongwa chekuona kuti vanhu vanotambura vawane chikafu chinovaka muviri.

Vanhu vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi vari kupihwa US$12 pamwedzi kana mavoucher ekutengesa chikafu.

Mukushi wemashoko kuWFP, Muzvare Claire Nevill, vanoti vanhu vanosvika 8 miriyoni muZimbabwe vanoda rubatsiro rwechikafu pari zvino.

“WFP yakaunganidza US$175 miriyoni yekubatsira vanhu vanosvika 5 miriyoni munyika muno nechikafu muchikamu chekutanga cha2021 uye huwandu hwevanoda rubatsiro huchakwira sezvo tichida kuyamura vanhu vanosvika 8 miriyoni nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura munyika mwaka yakasusukidzana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links