Hondo rekurwisa sora yatanga . . . varimi 133 000 vopangwa mazano

28 Dec, 2022 - 08:12 0 Views
Hondo rekurwisa sora yatanga    . . . varimi 133 000 vopangwa mazano Professor Obert Jiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vanodarika 133 000 vari kutarisirwa kusimudzira utano hwezvirimwa munyika yose zvichitevera kupihwa kwavari kuitwa dzidziso yekurwisa sora kuti vawane goho rakanaka mwaka uno.

Hurumende yakatanga chirongwa chekurwisa sora chinodaidzwa kunzi National War Aganist Weeds apo varimi 133 118 vakawaniswa hunyanzvi hwekurwisa masora kuti vavandudze goho rechibage pamwe nekushandisa michina midiki inoita kuti varerukirwe mubasa ravo.

Mukuru weAgricultural Advisory and Rural Development Services, Professor Obert Jiri, vanoti varimi vanogona kurasikirwa negoho guru kana vakatadza kupedza dambudziko resora.

Vanoti donzvo guru rechirongwa ichi nderekukurudzira varimi kuti vabvise sora richiri shoma kuitira kuti vasazodhurirwa kana kuwandirwa nemabasa.

Vanoyambira varimi kuti kana vakatadza kurwisa sora mumasvondo ekutanga ekudyara, zvinoita kuti goho ravo riderere.

“Varimisi vakadzidziswawo muchirongwa ichi uye chichatekeshera kuenda kumadistricts uko kuri kudzidziswawo madhumeni. Pari zvino tine varimi vakawanda vakawaniswa hunyanzvi hunodiwa pakurwisa sora nemishonga uye midziyo yakaita semapadza.

“Vanodzidzawo marudzi akasiyana esora uye matanho anotorwa kuti variparadze. Chirongwa ichi chava kumatunhu ose uye varimi vari muzvikoro zvekurima vari kuwana ruzivo rwakawanda kuitira kuti nyika iwane goho rakanaka,” vanodaro Prof Jiri.

Masangano evarimi anorumbidza chirongwa ichi achiti chichabatsira mukusimudzira goho pakurima.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wesangano revarimi, reZimbabwe National Farmers Union (ZNFU), VaEdward Dune, vanoti chirongwa ichi chakanaka chose.

“Sora rine mukurumbira wakashata. Chero kunonoka kupedzwa kwesora kunoita kuti goho rive shoma. Iri idanho rakanaka asi tinokumbira ruzivo rwekuchengetedza mishonga yesora kuitira vanoitenga,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutungamiri wesangano reZimbabwe National Farmers Union (ZNFU), Mai Monica Chinamasa, vachiti budiriro iyi inoyemurwa zvakanyanya.

“Dzidziso inosimudzira varimi inogamuchirwa zvikuru. Tinotenda nechirongwa ichi. Sevamiriri vevarimi, panoda kuunganidza varimi kuti vawane dzidziso nehunyanzvi hunosimudzira chikamu chekurima,” vanodaro.

Vanoti sezvo mvura iri kunaya munyika yose mwaka uno, varimi vanofanira kuziva kuti sora rinomera richikwikwidzana nezvirimwa.

“Sora rinokwikwidzana zvikuru nezvirimwa panyaya dzekudya uye chiedza chezuva, izvo zvinoita kuti goho riderere uye richibuda riri remhando yepasi. Mvura inonaya isingaperi inogona kuita kuti murimi anetseke kubvisa sora pakati pezvirimwa,” vanodaro Mai Chinamasa.

Vanoti, varimi vanokwanisa kushandisa michina mukurwisa sora.

Nzira dzakadai dzinosanganisira kudhonza hara (harrowing), kushandisa madhisiki uye kusakura nebadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey