Hondo yacho ihuru: WHO

11 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
Hondo yacho  ihuru: WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti hazvisi nyore kurwisa chirwere cheCovid-19 asi kana pakave nekubatana kwenyika dzose, hondo iyi iri inokundika.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti pari zvino nyika dzose dziri kumhanyidzana panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, kuchengetedza utano neupenyu hwevanhu.

“Tiri mumijaho yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, kudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nacho, kuchengetedza utano neupenyu hwevanhu nekuwanisa mushonga wekudzivirira (vaccines) kune avo vari panjodzi huru yekubatira denda iri.

“Izvi hazvizi nyore. Asi kana tikabatana tinokwanisa kukunda mumijaho iyi, tokunda chirwere ichi,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti Covid-19 yakonzera matambudziko makukutu pasi rose panyaya dzekuchengetedzwa kweutano hwevanhu.

“Chirwere cheCovid-19 chatiratidza zvakare kuti hutachiona hutsva hunoisa varwere vagara vachinetseka nezvimwe zvirwere panjodzi huru yerufu. Pamusoro pezvo, nyika dzine vanhu vakawanda vane zvimwe zvirwere zvinovatambudza dzinosangana zvakare nekuomerwa kwakanyanya panyaya yekuti vanhu vange vakachengetedzeka pautano hwavo,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti zvakakosha kuti nyika dzisimbaradze nyaya dzeutano kuitira kuti kana pakanyuka zvirwere zvakadai seCovid-19 vanhu vose vanokwanisa kubatsirika.

“Tapinda muchikamu chitsva chechirwere ichi, apo panoda kubatana kusati kwamboonekwa. Kune dzimwe nyika vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari kuwanda zvikuru kusvika padanho rekuti zvipatara zviri kuzara nevarwere. Kune dzimwe nyika zvakare, zororo richangopera reKirisimasi neGoredzva uye kutonhora kwekunze, vanhu vakasangana mudzimba nedzimwe nzvimbo, izvo zvatinoziva kuti zvine njodzi uye zvichakonzera mamiriro ezvinhu asina kunaka,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti mhando itsva yeCovid-19 – iyo iri kupararira nekukasika – iri kuwedzera kuipa kwemamiriro ezvinhu.

“Tinokurudzira nyika kuti dzisimbaradze zvirongwa zvekuvheneka vanhu Covid-19 nechinangwa chekuti dzizive mamiriro anenge akaita zvinhu. Izvi hazvisi nyore, kuchengetedza upenyu, kuchengetedza vashandi vezveutano uye kusimbaradza nyaya dzeutano izvo zvinofanirwa kutungamidzwa mberi.”

Dr Tedros vanoenderera mberi: “Kuti tikwanise kumisa chirwere ichi, tinofanirwa kuziva vanacho, tovabatsira pane zvinodiwa uye nekuti vakwanise kumbogara kwavo voga. Kuita izvi handi nyore, pane rwendo rwurefu rwunorwadza rwatinofanirwa kufamba pamwe chete.”

Share This:

Sponsored Links