Hondo yeCovid yosimbaradzwa

02 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Hondo yeCovid yosimbaradzwa Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

APO zororo reKirisimasi neGoredzva rave pedyo kusvika, Hurumende iri kusimbaradza matanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, kunyanya kumiganhu yeZimbabwe nedzimwe nyika kuitira vanhu vanobva kunze nevanopinda zvisiri pamutemo.

Izvi zvinotevera kunyuka kwehumwe hutachiona hweCovid-19 hunodaidzwa kuti Omicron kudzimwe dzenyika dzakatipoteredza.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19.

“Sezvo nyika yave kusvika panguva yezororo, nechinangwa chekudzivirira kupinda kwehutachiona hutsva (Omicron) kubva kunze, ongororo pamusoro pezvizvarwa zvemuno zviri kudzoka pamwe nenzvimbo dzinopinda nevanhu munyika zvisiri pamutemo iri kusimbaradzwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika pari zvino, hutachiona hweOmicron variant hwanyuka kunyika dzinosanganisira South Africa neBotswana.
Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 chiri kusimbaradzwa zvakare.
Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 3 809 048 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira denda iri apo 2 830 542 vange vabaiwa ose ekutanga neechipiri (2nd dose) kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKurume wegore rino.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 135 337 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.
Pavarwere ava, 128 784 vakatopona asi vamwe 4 707 vakafa.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya majekiseni aya chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika panopera gore rino kuti inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

“Chinangwa chinoramba chiri chekubaya vanhu nhomba setarisiro yenyika nepasi rose (global target) chinove chekubaya chikamu che60 percent ne40 percent.
“Panyaya yekuwanikwa kwemishonga yenhomba, majekiseni 60 000 akatambirwa sechipo kubva kunyika yeMauritius nemusi weChishanu 26 Mbudzi. Hurumende inoda kutora mukana uno kuvimbisa kuti nyika ine mishonga yenhomba yakaringana uye inoenderana nekusimbaradzwa kwechirongwa chekubaiwa majekiseni,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Dare reCabinet, vanodaro Sen Mutsvangwa, rakaita chisungo chekuti rimbomisa zvikumbiro zvakabva kuindasitiri yezvekushanyirwa kwenyika zvekuti panyevenutswe zvakare matanho ari maringe nezvekushanya nechinangwa chekuti pave nemukana wekuita ongororo yemamiriro ezvinhu zvichitevera kunyuka kwehutachiona hutsva hwemhando yeOmicron.
Vanoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa nevari kufa huri kudzikira, veruzhinji vanofanirwa kuramba vachizvidzivirira kubva kudenda iri.

“Hurumende, zvisinei, inoramba ichikurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvizere matanho enyika neeWorld Health Organisation (WHO) ekurwisa Covid-19 uyewo nekubaiwa nhomba senzira yekudzivirira kunyuka kechina (fourth wave) kweCovid-19.”

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Tinoyeuchidza nharaunda nevanhu vakazvimirira kuti vatore matanho ekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 kuburikidza nekupfeka mamasiki nenzira kwayo, kusaita chitsokotsoko, kugara munzvimbo dzinofefetera mhepo zvakanaka, kushambidza maoko nguva nenguva nekushandisa sanitizer uye kubaiwa majekiseni kana kuti nhomba.”

Share This:

Sponsored Links