Hondo yeCovid yosimbaradzwa

12 Jul, 2021 - 11:07 0 Views
Hondo yeCovid  yosimbaradzwa Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANHU vashaya nekuda kwechirwere cheCovid-19 nyika yose kubva pachatanga kuonekwa muZimbabwe gore rapera vadarika 2 000.
Zvisinei, Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvinobatsira mukurwisa chirwere chanetsa pasi rose ichi kuburikidza nekubaya veruzhinji majekiseni.

Nemusi weChina chadarika, Zimbabwe yakagashira mamwezve majekiseni 2 miriyoni ayo akatengwa kunyika yeChina apo hondo yekurwisa Covid-19 yakwidza makata.

Kusvika pari zvino, Zimbabwe yawana majekiseni anodarika 4 miriyoni erudzi urwu zvichiita kuti nyika ino ive pamberi pedzimwe nyika muchirongwa chekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Munhu wekutanga kuwanikwa muno aine hutachiwana hwecoronavirus uhwo hunokonzera Covid-19 mugari wekuVictoria Falls uyo akabatwa ainacho mumwedzi waKurume 2020 apo akadzoka achibva kuUnited Kingdom.

Mashoko anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti nemusi weChina svondo rapera bedzi, vanhu 2 156 vakawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa apo vamwe 56 vakafa zuva iroro.

Izvi zvakabva zvakwidza huwandu hwevarwere vafa neCovid-19 muno kuenda pavanhu 2 029 uye vabatwa vainacho ndokuenda pa62 383.
Kusvika musi uyu, varwere 42 855 vange vatonaya.

Pavanhu 56 vakashaya neCovid-19 nemusi weChina uyu, 31 vacho ndeve muHarare, mumwe chete wekuBulawayo, vaviri padunhu rimwe nerimwe anoti Mashonaland East, Manicaland nekuMatabeleland North, vana vekuMashonaland Central, vatanhatu vekuMashonaland West, vamwe vashanu vekuMidlands uye kuMasvingo hakuna akashaya.

Ongororo yeKwayedza yemashoko epazuva anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana inoratidza kuti muZimbabwe makafa vanhu 221 mumazuva manomwe kutanga nemusi weChishanu svondo rapera kusvika pamusi weChina chadarika uye munguva imwe cheteyo vanhu 11 162 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Sezvazvainge zviri muchikamu chekutanga nechechipiri chechirwere ichi muno, kusvika musi weChina chadarika Harare iri kuratidza kuti ndiyo mwongo wedenda iri muchikamu chetatu (3rd wave).

Ndiro zvakare dunhu rarasikirwa nevarwere vakawanda kudarika mamwe matunhu kubva pachatanga kuuraya muno – 735 vafa – kuchitevera Bulawayo (304) kwozouya Mashonaland West uko kwashaya vanhu 238 pamwe chete.

“Kusvika nhasi (China chadarika), kwava nevanhu 62 383 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ava, 42 855 vavo vakatonaya asi vamwe 2 029 vakashaya,” rinodaro bazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Nechinangwa chekukoshesa utano neupenyu hweruzhinji, Hurumende iri mushishi kusimbaradza zvirongwa zvakananga kumisa kupararira kwedenda iri muno.

Izvi zvinosanganisira kutenga mishonga nekubaiwa kwevanhu majekiseni anodzivirira Covid-19.
Nyika ino yagara ichirumbidzwa nemasangano ezveutano kusanganisira reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwezvirongwa zvayo zvekurwisa Covid-19.

Nemusi weChina wadarika, bazi rezveutano rinoti: “Nhasi bedzi, vanhu 29 750 vabaiwa jekiseni rekutanga rekudzivirira Covid-19 izvo zvabva zvakwidza huwandu hwevabaiwa nhomba iyi kuenda pavanhu 848 808 apo vamwe 5 071 vabaiwa jekiseni rechipiri zvikakwidzawo vanhu vabaiwa irori kuenda pa584 770.”

Nemusi weChina iwoyu, Hurumende yakagashira mamwezve majekiseni 2 000 000 eSinovac ayo akatengwa neZimbabwe kunyika yeChina.
Mamwezve majekiseni 3,5 miriyoni ari kutarisirwa kusvika muno mwedzi uno apo Hurumende iri kusimbaradza chirongwa chekuti vanhu vakawanda vadzivirirwe zvichizoita kuti ruzhinji rwunge rwusiri panjodzi yeCovid-19 uye kuti upfumi hwenyika husimukire.
Kusvika pari zvino Zimbabwe yagashira majekiseni anodarika 4 miriyoni ekudzivirira Covid-19.

Kunze kwekubaiwa nhomba, veruzhinji vanokurudzirwa kukoshesa mamwe matanho anobatsira kuzvidzivirira kuCovid-19 anosanganisira kuti munhu agare kumba pane kungofamba-famba, kupfeka masiki kana uri panzvimbo yeruzhinji, kusaungana uye kuita hutsanana sekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka kana kushandisa sanitiser.

Share This:

Sponsored Links