Uncategorized

Hondo yehuku yava kumatare

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri
VAVAKIDZANI vari kumisidzana mudare redzimhosva nekuda kwenyaya yehuku dzinonzi dzanetsa nekugara dzichidya mumunda memumwe. Daniel Musina akamhan’arira Tatenda Mhizha kuHarare Civil Court achiti anomutukirira kana huku dzake dzadya mumunda make achiti achadziuraya.

“Mhizha akatanga achituka caretaker wangu nekuda kwehuku dzangu kudzimara ave kutuka inini uyezve anogara achindityisidzira kuti achadziuraya,” anodaro Musina.

Anoti huku dzake dzave kugara dzichingofa zvisina tsarukano uye ane fungidziro huru yekuti zvinogona kunge zvichikonzerwa naMhizha nekuda kwemashoko aanotaura.

“Ndakatanga kuona huku dzichifa, ndakangofungira iye nekuti ndiye aindityisidzira achiti huku dzangu dzikasvika kwake dzafa, asi ndinombomupawo huku idzi achidya,” anodaro Musina.

Mhizha anoti zvose zviri kutaurwa naMusina manyepo.

“Huku dzaMusina ndidzo dziri kutopedza muriwo mugarden mangu uye muriwo uyu ndiwo wandinotengesa kuti ndirarame nekuwana mari. Saka izvi ndizvo zvinoita kuti ndizomutuke nekuti zviri kuramba zvichienderera,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Musina gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey