Honzeri ndiani?

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa matambudziko anowira vatambi.

Vatambi vanoshungurudzwa nekudyirwa zvipfuwo nezvikara. Tinonzwa kuti zuva rekutanga ratinoona She Njeremavhu vachibva kumba kwaRufuse vanopfuura nemuchitondo vachitsvaga mbariro dzekugadzirisa danga ravo remombe mushure mekunge vambodyirwa chijon’osi nemapere.

Tinonzwa Ngwaru achiudza Mambo Njeremavhu kuti akanga apfuura nepamuzinda pavo achienda kunotakanura mombe yaMaganyani yakanga yarumwa negarwe kurwizi Pote.

Vatambi vanowirwa nematambudziko ekutukwa.

Tinonzwa Paido achitukwa naRufuse paakanga aonekwa kuti aive nepamuviri asi ari pamusha achinzi; “Ndiudze kuti pamuviri pauinapo ndepaani iwe mwana wenyoka!”

Zvino paunoongorora matambudziko anowira vatambi unosungirwawo kutarisa kuti ndiani anganzi ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi ava. Pamwe pacho unoona kuti matambudziko mazhinji anenge achisangana nevatambi anenge achikonzereswa nemutambi mumwe chete kuburikidza nezviito zvake.

Uyu ndiye watinogona kuzoshara tichiti ndiye honzeri yematambudziko acho.

Dzimwe nguva unogona kunzi uzvisarudzire mutambi waunoti ndiye honzeri yematambudziko anowira vamwe vatambi. Apa panoda maonero ako semanzwisisiro awakaita rungano.

Pamwewo unopihwa mutambi anenge achionekwa kuti ndiye honzeri. Zvino chako kungotsigira chete uchiratidza zvaakaita, wopa tsananguro yezvaakaita zvacho wozopedzisira nekutsanangura matambudziko aakakonzera kuti awire vamwe vatambi.

Share This:

Sponsored Links